Tiri kufara: Mangwiro

23 Sep, 2021 - 12:09 0 Views
Tiri kufara: Mangwiro

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weTriangle United – Taurai Mangwiro – anoti chero zvazvo vane mufaro mukuru nekudzoka kwenhabvu svondo rinotevera, zvakakosha kuti zvikwata zvose nevatambi vazvo varambe vachitevedzera matanho anodiwa neHurumende nesangano reWorld Health Organization (WHO) ekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19 kuitira kuti risanyuka patsva zvekare.

Mitambo yeChibuku Super Cup iri kutanga svondo rinotevera mushure mekumbomiswa kwenguva ndefu nedonzvo rekurwisa chirwere cheCovid-19.

Muhurukuro neKwayedza, Mangwiro anoti zvakakosha kuti vatambi uye zvikwata zvisavarairwe sezvo hondo yekurwisana neCovid-19 haisati yapera.

“Zvinhu zvinofadza chaizvo kuti hupenyu hwedu vari munhabvu hwave kuendeka zvekare mushure mekumbomiswa izvo zvakakonzerwa neCovid-19. Tiri kufara kuti tave kudzokera kuhupenyu hwedu hwatajaira uye tave kukwanisa kutamba nhabvu iyo inounza sadza mudzimba dzedu.

“Asi, zvakakosha kuti tisavarairwe nekuti Covid-19 ichiriko uye hatidi kuti irambe ichiuraya vanhu. Saka ngatirambei tichingotevedzera mitemo yese iripo apo tinenge tichitamba nhabvu kuitira kuti huwandu hwevanhu vanobatwa neCovid-19 vasawedzere, ngatikoshesei hupenyu hwedu, hwehama neshamwari dzedu,” anodaro Mangwiro.

Mumitambo yange yatambwa nechikwata chake nhabvu isati yamiswa, maSugar Boys – sezita remadunhurirwa reTriangle United – akatamba mitambo mitatu apo akakundwa miviri neNgezi Platinum uye neFC Platinum ndokuita mangange neWhawha mumitambo yemuboka reGroup 4.
Svondo radarika, Mangwiro akagadzwa kuve mutevedzeri wemurairidzi wechikwata chenyika cheWarriors, rinove basa raanoti anonzwa kuzvininipisa naro sezvo chiri chiremerera chikuru kurairidza Zimbabwe.

Anoti achashanda zvakasimba achibatsira Norman Mapeza murairidzi wemaWarriors mukutungamira chikwata chenyika ichi mumitambo yacho.

“Ndinoda kutenda chaizvo Zifa iyo yakandisarudza kuti ndigopinda pabasa iri, ndichibatsira murairidzi wedu Norman Mapeza. Iri ibasa guru ratakatarisana naro uye tinovimba kuti tichashanda nesimba kuti tigohwinisa nyika yedu.

“Munhu wese akashevedzwa kunzi ashandire nyika yake, hapana anoramba. Saka tine mufaro mukuru nechiremerera ichi chatakapihwa,” anodaro Mangwiro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey