Uncategorized

Tiri kuferefeta pfuti yakapondeswa Samantha: ZRP

01 Aug, 2022 - 16:08 0 Views
Tiri kuferefeta pfuti yakapondeswa Samantha: ZRP Tafadzwa Murengwa naSamantha Dzapata

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti mutemo hautendere kuti pfuti dzingoshandiswa pose-pose munyika uye vose vane pfuti vanofanirwa kuve nemarezinesi anodiwa pasi pemutemo.

Izvi zvinotevera nyaya yemurume wechidiki wemuHarare, Tafadzwa Murengwa, uyo akauraya musikana wake Samantha Dzapata nekumupfura nepfuti, iye ndokuzozviurayawo nekunwa muchetura svondo rapera.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti nyaya yepfuti yakashandiswa naMurengwa ichiri kuferefetwa.

“Semapurisa, tiri pakati pekuferefeta nyaya iyi kuti pfuti yakashandiswa nemurume uyu yakanyoreswa here uye kuti yakanga iri yake here. Mutemo hautendere muno munyika kuti munhu ashandise pfuti yaasina kunyoresa.
“Pane nzira dzinotevedzwa pakuti munhu asvike pakugara nepfuti. Tiri kuferefeta kuti pfuti iyi akaiwana sei,” vanodaro.

Asst Comm Nyathi vanoti imhosva huru kuti munhu abatwe aine pfuti isina kunyoreswa kana kuti isiri muzita rake.
“Pfuti hachisi chinhu chekubata nekuburitsa pose pose. Pakugadzira magwaro ekuva nepfuti, pfuti imwe neimwe ine chinangwa chayo zvakafanana nekuchengetedza bhizimisi, kuchengetedza mhuri, kuchengetedza mari nezvimwewo.
“Pfuti inofanira kushanda basa rayakanyoreserwa pamagwaro ayo. Dambudziko rava pakuti vamwe vave kushandisa pfuti pose-pose nekudziburitsa chero pavari kuti vaonekwe kuti vanadzo.

Asst Comm Nyathi

“Vamwe vave kudzishandisa kuvhundutsira vanhu chero vakaungana semhuri kana pamafaro zvinova zvisingatenderwe nemutemo. Pfuti haishande munyaya dzekugadzirisa zverudo sezvakaitwa naMurengwa, asi kuti imwe neimwe ine chinangwa chayo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links