‘Tiri kufira mafufu segonzo’

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
‘Tiri kufira mafufu segonzo’ Genius Mutopo akabata dambarefu rake idzva

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUIMBI wechidiki wemusambo weReggae ari kusimukira ochema-chema nekushaya rutsigiro rwakakwana kubva kuvatsigiri izvo anoti zviri kuita kuti vamwe vavo vawanikwe vachifira mafufu segonzo.

Genius Mutopo (35) wekuMabvuku, muHarare  anoti munyika muno mune vaimbi vakawanda nevane zvipo zvekuita madhirama asi kushaikwa kwerutsigiro ndiko kuri kuvadzorera kumashure.

“Ndakabura dambarefu rangu rekutanga muna2010 renziyo dzechitendero iro ndaiimba ndakazvimirira raidzaidzwa kunzi We Praise Your Name rinova raive nenziyo mbiri.

“Dambarefu iri kunyangwe zvazvo rainakidza zvikuru harina kutambirwa zvakanyanya mumisika nepamusaka pekuti harina kuwaniswa mukana uzere wekuti ringe richiridzwa panhepfenyuro nepamaterevhizheni kuti rizivikanwe neveruzhinji,” anodaro.

Gore rino, Mutopo akabura rimwe dambarefu repiri rinonzi Ndouya. “Ndaimboimba zvakanyanya kukwaya yekukereke yedu yeChrist Embassy, mushure mezvo ndakabva ndaona kuti ndinofanira kutora kuimba sebhizinesi zvisinei nekuti tichine matambudziko gumi nefararira akatikomberedza sevaimbi, zvikuru sei ekushaya vatsigiri pamwe nevamwe vaimbi vane chido chekusimudzira zvipo zvedu.

“Vatsigiri vakawanda vatiri kuona mazuvaano variko bedzi pakungokama mari dzevaimbi pasina basa svinu ravanoita kuti vange vachiendawo pane chimwe chidanho,” anodaro.

Mutopo anoti kubvira kupinda kwaakaita mubhizinesi  rekuimba makore masere adarika, hapana chouviri chaakabura nekudaro ane chishuviro chekuti kudai Hurumende nemamwe masangano anoona nezvevaimbi vavatsigira kuti matarenda avo ange achisimukira.

Dzimwe dzenziyo dziri padambarefu rake idzva dzinosanganisira Ndouya, Naya Naya, Ndimi Mambo, Tinokurumbidzai, Matoro, Ndimi Dzose naKare Kare.

“Mukambo Ndichauya Amai, ndakaimbira madzimai — zvikuru vanaamai vedu vakatibereka avo vanenge vari kure kumusha vanogarochema kuti vana vangu varovera kudhorobha nepamusaka pei. Saka rwumbo urwu rwunonyaradza vabereki apo ndinovavimbisa kuti vana vanenge vachiri kumboshava asi vachauya zvavo nokudaro havafaniri kuwora mwoyo,” anodaro. Anoti kambo Tinokurumbidza ndekekutenda Mwari pane zvese zvaanoitira vanhu mukurarama, kuchizoti muna Kare Kare anenge achirangaridza veruzhinji kuti Mwari akavapa zvavanofanira kuwana muupenyu hwavo asi inguva chete inenge isati yasvika kuti zvinge zvichizadzikiswa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey