Uncategorized

‘Tiri kugadzirisa nyaya yepeturu’

30 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
‘Tiri kugadzirisa nyaya yepeturu’

Kwayedza

Felex Share
HURUMENDE inoti zvimhingamipinyi zviri kusanganikwa nazvo panyaya yekuwanikwa kwemafuta edzimotokari zvichagadziriswa mumazuva mashoma ari kutevera.

Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet, gurukota rinoona nezvehomwe yenyika, Professor Mthuli Ncube, vanoti Hurumende iri mushishi kutora matanho ekugadzirisa kushomeka kwepeturu nedhiziri.

Zvimwe zviteshi zvemafuta aya (service stations) zvange zvisina mafuta kwemazuva mashoma adarika izvo zvaona mitsetse yedzimota ichivamba.

“Tine ruzivo pamusoro pezvimhingamipinyi zviri kusanganikwa nazvo panyaya yemafuta edzimota uye izvi zvine chekuita nenguva inotorwa pakubhadhara mari nekuzounzwa kwemafuta aya,” vanodaro Prof Ncube.

“Ndinofara kuti tsamba (letters of credit) nedzimwe nzira dzekubhadhara mari zvavepo kuitira kuti mafuta edzimota avepo, asi panogona kuve nekunonoka kwekuwaniswa kwemafuta aya zvichikonzerwa nechinhu chimwe kana zviviri.

“Nyaya iyi inofanira kugadzirisika mumazuva mashoma ari kutevera. Tinotarisira kuti tive nemwoyo murefu.”

Prof Ncube vanoti Zimbabwe yakatarisana nedambudziko rekushomeka kwemari yekunze.

Kushomeka kwemafuta ezvekufambisa kuri kukonzerwa nekunetsa kuri kuita kuwana mari yekunze iyi uye apo painezenge yawanikwa, zvinotora nguva kuti mafuta aya atakurwe kuendeswa kuzviteshi kwaanotengeserwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey