Tiri kuronga kudzora nhabvu: Zifa

12 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Tiri kuronga kudzora nhabvu: Zifa Felton Kamambo

Kwayedza

Abel Ndooka
MUKURU wesangano rinoona nezvenhabvu muno reZifa, Felton Kamambo, anoti hutungamiri hwenhabvu huchasangana svondo rino kuti vagokurukura nechinangwa chekuti mutambo uyu udzoswe asi uchizotambwa pasina vatsigiri.

Nhabvu yemuno yaifanirwa kunge yakatanga muna Kurume kana Kubvumbi asi nekuda kwechirwere cheCovid-19, yakambomiswa senzira yekuti vanhu vasaungane uye chirwere ichi chisapararire.

Muhurukuro neKwayedza, Kamambo anoti Zifa nemamwe masangano enhabvu anosanganisira Premier Soccer League (PSL) vachasangana kuti vagoronga gwara rekufamba naro iro vachazopa kuSports and Recreation Commission.

“Hutungamiri hwenhabvu tichasangana svondo rino tironge kuti tofamba nenzira ipi iyo inoita kuti nhabvu yedu idzoke. Chimwe chinhu chikuru chatichakurukura kuti nhabvu itambwe pasina vatsigiri, kana pane zvatinenge tawirirana tichazvipa kuSRC vozvizeya ivo vozotiudza kuti zvinoita here,” anodaro Kamambo.

Anoenderera mberi achiti kuti nhabvu igotambwa pasina vatsigiri richave dambudziko guru kuzvikwata zvizhinji sezvo zvakawanda zvichirarama nemari iyo zvinowana pagedhi inenge yabhadharwa nevatsigiri.

Asi anoti ivo sesangano vakazvipira kubatsira zvikwata zvose zvemuno neimwe mari yekuti zvifambise mabasa azvo kuitira kuti zvisazonyanyoremerwa.

“Isu tichabatsira zvikwata zvose nekubhadhara imwe mari yakafanana neyevaridzi vepembe, chikuru chatiri kuda kuti nhabvu itambwe uye zvikwata zvedu zvisanyanyoremerwa.

“Kune dzimwe nyika sekuEurope nhabvu yave kutambwa isina vatsigiri saka isu tokwanisa kuzviitawo,” anodaro Kamambo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>