Uncategorized

Tiri kushandira mapurisa: hwindi…‘Vanoda $2 800 pakombi’…Regai tivaongorore: ZRP

21 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
Tiri kushandira mapurisa: hwindi…‘Vanoda $2 800 pakombi’…Regai tivaongorore: ZRP Solomon Mandela (kuruboshwe) aine mahwindi. — Mifananidzo naKimberley Kazungu

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUKURU wemahwindi muguta reHarare ari kunyunyuta pamusoro pehuwori hwaanoti huri kuitwa nemamwe mapurisa ayo anovatorera mari dzechiokomuhomwe zuva roga-roga.

Solomon Mandela (49) —uyo anozivikanwa nezita rekuti Mukoma Solo uye achishanda sainspector, maneja, customer care officer uye transport consultant kumakombi nemabhazi emuHarare — anoti mahwindi aona pfumvu nemapurisa anoda chiokomuhomwe.

“Kushanda nemapurisa edu eZRP kwave kurwadza. ‘System’ yacho yatikuvadza. Pane izwi rinoshandiswa muchihwindi rekuti motokari ‘yagarwa’ izvo tatojaira.

“Mapurisa vanosvika vozara mukombi mako kana mubhazi. Ukangonzwa chete kuti kombi kana bhazi ‘ragarwa’ ziva kuti pave kutorwa mari yakasimba nemapurisa iwayo. ‘We are now sick and tired nesystem’ iyi nekuti hapana zvatiri kushandira.

“‘Vakagara’ kombi kana bhazi vanoda mari inobvira pa$300 kusvika $400 kureva kuti pasvondo kombi yoga-yoga inotorerwa mari inoita $2 800 kana kudarika. Dzimwe nguva vanogona kudzoka futi votorera mota kaviri kana katatu pazuva, munoona kuti hapana chatinenge tichishandira,” anodaro Solo. Zvisinei, mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti imhosva huru kuti mupurisa akumbire chiokomuhomwe uye anopa mari wacho anenge achitoparawo mhosva.

Kana dai zvazvo Solo asina kunyatsoratidza Kwayedza humboo, anoenderera mberi: “Tashaya kuti toita sei nekuti varidzi vemabhazi kana vemakombi edu vanotoziva kuti mapurisa vanouya vachitora mari. Motokari dzedu dzine mapepa akakwana asi vanosiya twumota twemushika-shika twuchikonzera nyonganyonga pakati peguta vachiuya kwatiri kumota dzakamira murengi.

“Zvinorwadza, tarisai muone kudhura kwave kuita simbi dzemotokari nemafuta edzimota. Husiku chaiho unoona vachiuya ‘kuzogara’ kombi kana bhazi woshaya kuti iduty renguvai ravanenge vainaro mapurisa aya.”

Solo anoti makombi nemabhazi makuru ari pasi pake muHarare anodarika 1 600.

“Fungai dzose motokari idzi dzichitorerwa mari pazuva roga-roga. Tiri kushandira mapurisa iwaya, mari yatinovapa haina tiketi, ndeyavo yemuhomwe. Saka muchizoona motokari dzedu dzichifamba dziine zvisina kukwana, mari inenge yatorwa.”

Solomon Mandela

Solo anoenderera mberi: “Ini ndini ndinofambira mapepa emabhazi nemakombi edu, ose ane mapepa akakwana. Mapurisa ekanzuru anouyawo achida kutora motokari dzedu. Ukaona yatorwa nekanzuru inonetsa kuzoitora zvakare saka tinotoburitsa mari.”

Anoti chikumbiro chavo ndechekuti vakuru-vakuru vemapurisa vagadzirise dambudziko rehuwori huri kuitwa nevamwe vavo kumabhazi nemakombi.

“Chikumbiro changu kuvakuru vemapurisa kuti dai vatibatsirawo panyaya yekutorerwa mari iyi nekuti vanhu vave kuita marombe ivo vachisevenza,” anodaro.

Mumwe anomirira makombi nemabhazi anoenda kuMhondoro kumusika weMbare anotsinhirawo nyaya iyi achiti, “Taona pfumvu nemapurisa aya, tave kutovaziva nekunzi ‘vanaTora Mari United’. Kune mhosva chaidzo havadi kuenda, vanoda kuno kumabhazi nemakombi ‘kuzotigara’”.

Anokumbirisa kuti zita rake risaburitswe achiti, “zvingatozonditadzisa kana kushanda kwacho”.

Zvichakadai, Asst Comm Nyathi vanoti imhosva huru kuti mupurisa akumbire chiokomuhomwe.

“Semapurisa, hatitendere kana kukurudzira nyaya dzechiokomuhomwe. Kuita kwakadai imhosva kune anopa wacho nemapurisa acho ari kupihwa. Hatidi ‘corruption’ munyika.

“’We don’t accept’ zvakadaro, zvinouraya nekudzosera nyika kumashure. Izvozvi tave kutoita kuti nyaya iyi itange kuferefetwa,” vanodaro Asst Com Nyathi.

Share This:

Sponsored Links