Tiri kusunga: ZRP

24 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
Tiri kusunga: ZRP Assistant Commissioner Paul Nyathi

Kwayedza

Munyori weKwayedza
MAPURISA  anozivisa veruzhinji kuti vacharamba vachisunga avo vari kutyora mirawo yakaiswa neHurumende inoti vanhu vagare kudzimba uye vasafambe-fambe.

Kubva patanga chirongwa ichi kupera kwemwedzi wadarika, vanhu vanodarika 11 000 vasungwa nemhosva dzekutyora mirawo yakanzi itevedzwe.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vari kukurudzira veruzhinji kuti vatevedzere zviri kunzi neHurumende vanhu vaite senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Mutungamiri wenyika President Mnangagwa nemusi weSvondo wadarika vakazivisa nezve kuwedzerwa kwemazuva ekuti vanhu vagare kudzimba nekumbomira kufamba-famba nemavhiki maviri kusvika musi wa3 Chivabvu.

Asst Comm Nyathi vanoti mapurisa acharamba ari mumigwagwa nedzimwe nzvimbo senzira yekuti veruzhinji vatevedzere zvakatarwa panguva ino yeCovid-19.

Vanoti veruzhinji vava kupinda mumadhorobha nemotokari, vamwe vachifamba- famba zvisinei nekuti vanenge vasina matsamba ekuti vaite izvi.

“Tava kuona kuwedzera kwemotokari dziri kufamba muHarare nekuBulawayo uye mitsetse yevanhu vane motokari vari kumira pamapurisa kuti vadarike. Vamwe vacho havana matsamba ekufambisa. Vanhu ndavagare kudzimba kana vasina tsamba dzekufambisa,” vanodaro.

“Tiri kuonawo kuti kunzvimbo dzinogara veruzhinji, vana vari kubuda vachinotamba mumigwagwa uye vamwe vanhu vakuru vachinwa doro vari mumotokari dzavo. Tinokurudzira kuti vanhu vatevedzere zvatiri kuvaudza, vose vasiri kutevedzera zvakatarwa vachasungwa.

“Mashoko edu kune veruzhinji tinoti vatevedzere zviri kudiwa neveutano. Vanhu havafanire kuzochema-chema kana vasungwa nenyaya dzekusatevedzera zviri kudiwa.”

Vanhu vari kubatirwa mhosva dzinosanganisira kutengesa doro mumashabhini, kutengesa vasina matsamba, kuungana, nekungombeya-mbeya. Vakawanda vevasungwa vakabhadhariswa mafaindi vamwe ndokuendeswa kumatare edzimhosva.

Share This:

Sponsored Links