Tiri mumadhaka: Mutasa

22 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Tiri mumadhaka: Mutasa

Kwayedza

MURAIRIDZI weDynamos FC – “Lloyd Samaita” Mutasa – anoti pavamire parizvino semaGlamour Boys palog table hapafadze, handipo pavo chaipo uye zvakafanana nekuve mu “madhaka” nekudaro vari mushishi yekugadzirisa mamiriro ezvinhu aya.

Mwaka uno zvinhu hazvisi kunyatsofamba zvakanaka kuchikwata ichi icho chinove chikuru munyaya dzenhabvu muZimbabwe uye parizvino chiri panhamba 10 palog table.

Mamiriro ezvinhu kuDeMbare nguva yadarika akambenge aita manyama amire nerongo izvo zvakamboona Samaita achibviswa pachigaro chekurairidza ndokutsiviwa naBiggie Zuze aive mutevedzeri wake asi ndokuzodzorwa zvakare pasina chinguva zvichitevera kudzingwa kwakaitwa Zuze basa.

Paakadzoka kuzorairidza chikwata ichi zvakare, Samaita akatsidza kuti anoda kushandura zvinhu.

“Sekuziva kwemunhu wese kubva kuvatsigiri kusvika kuvatungamiri vechikwata chino, patiri handipo patinofanirwa kuve tiri, ichi ndicho chokwadi.

“Dynamos inozivikanwa iri chikwata chekumusoro chichirwira mukombe kwete zviri kuitika gore rino.

“Tiri kufanirwa kushanda nesimba kuti tidzorere chikwata pachinofanirwa kuve chiri, pachakakodzera kugara,” anodaro Mutasa.

Apo mwaka wenhabvu wave kumboenda pamid-season break, Mutasa anoti chikwata chake chichagara pasi choongorora kuti chingazvisimbisa sei.

“Tichagara pasi toongorora mafambiro atange tichiita uye toronga kuti togadzirisa sei kuti mwaka wedu utinakire tibve mumadhaka atange tiri kuende kumusoro.

“Chikwata chinoda kusimbiswa asi zvinoda kutanga tagara pasi nevakuru toronga kuti tochisimbisa sei,” anodaro.

Kudzoka kwaMutasa kwakaita mutauro kuvatsigiri vazhinji avo vaida kuziva kuti akambenge abvisirwei pekutanga uye kuti kudzoka kwake kuchashandura zvinhu here kuchikwata ichi?

Zvisinei, Mutasa anoti, “Hatifanirwe kutarira zvakawanda, chikuru kuti tiri kufambisa basa here nemazvo. Chatiri kuda kuhwinisa chikwata chedu kuti chidzokere pachinofanirwa kugara chete, kwete kufunga zvakawanda.”

Zvichitevera kukunda kwakaita chikwata chake Nichrut 2-1 svondo radarika, Mutasa anoti ari kutarisira kuti mumitambo 17 inotevera kuti mwaka wegore rino uchipera, DeMbare inge yahwina mitambo 14 yosimukira kuenda pakanaka.

“Tichitarisa matambiro atakaita mimwe mitambo yedu yadarika, zvaisafadza chose icho ndicho chokwadi.

“Takarasa zvibodzwa zvakawanda saka tiri kutarisira kuti mumitambo inotevera tikahwina 13 kana 14 tinosimuka chaizvo kuenda kumusoro. Saka zvave kuda kuti tishande nesimba sechikwata,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links