Tiri pa’tight’: Dynamos

21 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Tiri pa’tight’: Dynamos Richard Chihoro

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA cheDynamos chinoti kunyangwe zviite sei hachife chakabuda muligi reCastle Premiership zvisinei nekuti parizvino chiri panguva yakaoma apo chiri kuswedera pedyo nekuburitswa kuti chiende kunokwikwidza kuDivision One.

Mwaka wegore rino hausi kufamba zvakanaka kuchikwata ichi icho chinozivikanwa sechikuru munyika yese panyaya dzenhabvu sezvo chiine mikombe yakawanda yachakahwina yeligi nemimwe.

Asi matambiro ari kuita DeMbare mwaka uno haasi kugutsa zvaita kuti chive chimwe chezvikwata zvave kurwira kuti chisaburitswe muCastle Premiership.

Maneja weDynamos – Richard Chihoro – anotsidza kuti kunyangwe zviite sei DeMbare kana kuti Glamour Boys haife yakaburitswa muCastle Premiership uye ichatosunga dzisimbe mumitambo yayo yasara kuti ipone.

“Izvozvo manje ndizvo zvisingambofe zvakaitika. Kukutaurirai pachokwadi, Dynamos hapana kwainoenda, chinodiwa chete kuti tigadzirise pari kukanganisika chete.

“Tinofanirwa kungotaura nevakomana kuti vagadzirise pari kukanganisika chete tigosimukira. Rangarirai kuti ichi chikwata ndicho chakapedza chiri pechipiri mwaka wadarika nevatambi vachinacho, asi pane vashoma vakaita saChristian Epoupa vakazobva uye vamwe ndivo vari kutamba saka zvinogadzirika. Hatibude ipapo ndinoramba,” anodaro Chihoro.

Dynamos yasarirwa nemitambo misere kuti mwaka wa2018 upere uye pamitambo yose iyi iri kufanirwa kuhwina mina kuti isaburitswe muligi iri.

 Mumitambo iyi, ichasangana nezvikwata zvinoti CAPS UNITED, Bulawayo Chiefs, FC Platinum, Black Rhinos, Herentals, Triangle United, Mutare City neNichrut.

Achibvuzwa kuti nhabvu yemuno ingazonakidze here kana Dynamos isisimo muPSL, Chihoro anoti,  “Hatingafunge nezvazvo nekuti hapana kwatiri kuenda, tiri kudzoka, gore rino range risiri redu chete.”

Kwayedza yakaitawo hurukuro nemukushi wemashoko weZifa, Xolisani Gwesela, ichida kunzwa kuti kana Dynamos ikaburitswa muCastle Premiership zvinokanganisa nhabvu yemuno here, iye ndokuti, “Hatisi n’anga kuno kuZifa, hatisi anagodobori, hatizive zvichaitika. Saka ngatitange taona kuti mwaka uchapera sei, tozotangira ipapo. Kana chikwata chichikwikwidza muPSL zvinorakidza kuti chikuru saka zvese zvinofanirwa kurwa kuti zvirambe zvirimo, kana chinenge chakurirwa munochiona nekuburitswa,” anodaro Gwesela.

Mutungamiri wevatsigiri veDynamos, Benjamin Munzira, anoti iye zvino yave nguva yekuti munhu wese anozviti anoda chikwata ichi achitsigire kuti morari yevatambi isimukire vagorwa semvumba varambe vari muPSL.

 Anoti pakagara chikwata chavo pakashata chaizvo uye hachifanirwe kuve chiri ipapo.

“Iyi haisiriyo DeMbare yatinoziva, payave pakaoma, patambo chaipo inofanirwa kushanda nesimba kuti isimuke. Handizvo zvatinoitarisira kuti ive ichiita, saka zvinotoda kuti tibatane tose tinoti tinoda chikwata ichi chisimuke kubva pachiri.

“Vatambi vacho vari kuda kusimudzirwa saka zvinotoda isu vatsigiri tibatane tiwane zvatinovaitira kuvafadza kuti vasadzikire, shuwa iyi handiyo DeMbare yatinoziva,” anodaro Munzira.

 Shasha pakutsigira nhabvu Chris ‘Romario’ Musekiwa anoti haatombode kufunga nezvekuburitswa kweDynamos muCastle Premiership achiti vamwe varairidzi vakamboirairidza kare vakaita saSunday Chidzambwa, Kalisto Pasuwa uye Moses Chunga ngavauye vabatsire Lloyd Mutasa mumitambo yasara kuti chikwata chake chisaburitswe muPSL.

Anoti pave kudiwa mushandirapamwe nekuti pachimire hapana kunaka uye hapasipo panotarisirwa kuti chinge chiri.

“Shasha dzakambotambira chikwata ichi uye vamwe vakambochirairidza vakaita saMhofu Chidzambwa naPasuwa ngavabatsire Mutasa nekuti basa iri harichade ari ega, zvave kutoda kubatsirana kuti basa rifambe mitambo yese yasara ihwiniwe chikwata chigare muPSL machakakodzera,” anodaro Romario.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey