‘Tisakanganwe zvimwewo zvirwere’

24 Jun, 2020 - 02:06 0 Views
‘Tisakanganwe zvimwewo zvirwere’ Mambo Chireya

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAMBO Chireya vekuGokwe, kudunhu reMidlands, vanoti apo nyika ino nepasi rose rakatarisana nekurwisa chirwere cheCovid-19, kunofanirwa kutorwawo matanho ekupedza kana kumisa zvimwewo zvirwere zvagara zvichitambudza vanhu.

VaHenry Chidzivo (55), avo vanova Mambo Chireya, vanoti ichokwadi kuti Covid-19 yatambudza vanhu pasi rose, asi vezveutano vanofanirwawo kurwisa zvimwe zvirwere zvagara zvichinetsa kubva nakare.

Vanoti Covid-19 chirwere chitsva uye chinoita kuti chinyanye kutyisa kupedza kwachaita kuuraya nekubata vanhu pasi rose.

Covid-19 haisati yawanirwa mushonga wekuirapa.

Kusvika nemusi weMuvhuro uno, muZimbabwe mange mawanikwa vanhu 512 vane Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa. Pavanhu ivava, varwere 64 vakatonaya kuchiti vamwe vatanhatu vakafa.

“Chinhu chitsva chikauya kunyange mumusha chaimo semwenga, vanhu tinomhanyira ikoko tichisiya zvimwe zvatagara tiinazvo. Ndiyo yambiro yandinoda kupa kune vezveutano kuti ngavasafukatira zvimwe zvirwere zvagara zvichititambudza.

“Tikadaro tinenge tichipa mukana kuzvimwe zvirwere izvo zvinozotinetsa zvakare zvagodza,” vanodaro Mambo Chireya.

Vanoti havareve kuti izvi ndizvo zviri kuitika asi kungoti iyambiro bedzi.

“Sekuno kuGokwe, tagara tiine dambudziko rechirwere chemalaria, chinobata nekuuraya vanhu vakawanda. Kune zvimwewo zvirwere serurindi (TB) nezvimwe zvatinonzwa zvichitaurwa nanamazvikokota apo ndinoshevedzwa samambo pachipatara cheChireya Mission Hospital,” vanodaro.

Kubva kare, vanodaro mambo ava, kune zvirwere zvinobata vanhu vakuru nevana izvo vanokurudzira kuti zvirambe zvichiongororwa nekurwiswa sezviri kuitwa Covid-19.

“Tine HIV neAids zvichiri kunetsa nanhasi uno kunyange mapiritsi nemishonga zvaako. Iyo malaria mishonga yacho iriko asi inongonetsa nyika yose, ndizvo zvimwe chete nerurindi, gomarara kana kuti nhuta nezvimwe zvinokanganisa pfungwa.

“Saka ndinokurudzira kuti apo tiri kurwisa Covid-19, ngatisasafukatira zvimwe zvirwere.”

Mambo Chireya vanoti vanomboshanyira makiriniki nechipatara cheko uko vanoona vanhu vanotambura nezvirwere zvakasiyana.

Asi vanoti sezvo Covid-19 chiri chirwere chitsva uye chisati chanyatsozivikanwa nezvacho, zvakakosha kuti nyanzvi dziise misoro pamwe chete mukuchiongorora nekuchirwisa.

Vanoti vari kushanda nemasabhuku avo mukuona kuti mitemo yekurwisa Covid-19 yatevedzerwa.

“Sabhuku oga-oga ane chikwata chevanhu gumi vanoona kuti zvose zvinodiwa pakurwisa Covid-19 zvatevedzwa – kugeza maoko nesipo kana nedota, kupfeka mamasiki, kusaungana nekuona kuti hakuna vanhu vanongouya vachigara mumisha zvisingazivikanwe namambo, sabhuku kana nemapurisa.”

Vanoyambira n’anga nemaporofita avo vavanoti vari kufamba vachinyepera vanhu kuti vane mishonga kana miteuro inorapa Covid-19.

“Kune vari kufamba kuno vachinyebera vanhu kuti vakawana mishonga yekurapa Covid-19, tine vaviri vatakanzwa avo ndakatotumira mapurisa angu kuti vaunzwe kudare. Ndinoda kuvaripisa zvekuti vachave mucherechedzo kune vamwe.

“Hakusati kwava nemushonga unorapa Covid-19 uye dare rangu rikapedza nevanhu ivava, tichavaendesa kumapurisa kuti vatongwe nematare epamusoro,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links