Tisatambe neupenyu

23 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Tisatambe neupenyu

Kwayedza

HURUMENDE nemusi weChipiri chino yakatora mamwe matanho ekusimbaradza kurwisa kupararira kweCovid-19 panguva iyo huwandu hwevanhu vawanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhekwa hwakwira kusvika pa1 820.

Matunhu eBulawayo neHarare ndiwo ane vanhu vakawanda vabatwa nehutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19.

Zvichitevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nechirwere ichi, mutungamiriri wenyika President Mnangagwa vakazivisa nezvemamwe matanho ekusimbaradza kurwisa kupararira kwacho.

Matanho aya anosanganisira kuti vashandi chete vanoita mabasa akakosha ndivo vanotenderwa kuenda kubasa.

Veruzhinji havasi kutenderwa kungofamba-famba kubvira nenguva dza6pm kusvika 6am.

Makungano akadai seemachechi kana kuvhurwa kwemabhawa hazvizi kutenderwa zvachose.

Kusapfeka masiki imhosva ine mutongo wakasimba.

Tinogamuchira nemaoko maviri matanho akatorwa neHurumende aya nekuti akakosha mukuchengetedzwa kweupenyu hwevanhu.

Tinodaro nekuti kune vamwe vanhu vange vasiri kukoshesa nyaya yekumisa kupararira kweCovid-19 nekuda kwemaitiro avo.

Vamwe vanga vasisapfeke mamasiki vachiti akabuda “musitaera” uye nekusakoshesa nyaya dzekuita chitsoko-tsoko.

Kana kudzinhamo chaiko unoona vamwe vachitobatana maoko izvo zvinopesana nekurudziro iri kupihwa nenyanzvi dzezveutano.

Kana Mambo Nyamweda vekuMhondoro vachangobva kubuda muKwayedza vachinyunyuta nezviri kuitwa nevanhu veko mungava mudzinhamo.

Zvakakosha kuti munhu wose azive kuti kuchengetedza utano hwake panguva ino kunobatsira iye nevamwe.

Vanhu vakawanda vari kubatwa neCovid-19 pari zvino ndevaye vagara vari muno munyika vasina kumbobuda kunze.

Izvi zvasiyana nepakatanga chirwere ichi muno apo vakawanda vaiwanikwa vaine Covid-19 vaibva kunze kweZimbabwe.

Matanho ari kutorwa neHurumende aya haazi ekuda kuomesera veruzhinji asi kuchengetedza upenyu.

Chinongodiwa chete ndechekuti veruzhinji vatevedzere zvose zviri kudiwa uye vachiita nemwoyo unoda.

Zvakakoshawo kuti munhu mumwe nemumwe aone kuti ane chikamu chaari kuita mukurwisa chirwere ichi.

Hondo yekurwisa kupararira kweCovid-19 haidi zinyenyeke.

Nyika dzose dziri kuchema nekuda kwechirwere ichi icho chiri kukonzera matambudziko makukutu anosanganisira kufa kwevanhu, kudzikira kweupfumi nekurasikirwa kwevanhu nemabasa.

Pasi rose vanhu vawanikwa vaine Covid-19 vasvika 1,8 miriyoni uye vamwe 600 000 vakatofa.

MuAfrica chirwere ichi chabata vanhu 443 412 uye 15 000 vakafa.

Zviri pachena kuti tikaita zvedambe nechiwere ichi tinopera nechakapedza mbudzi.

Hurumende inofanirwa kurumbidzwa zvikuru nematanho airi kutora mukumisa kupararira kweCovid-19 uye vose vanotyora mitemo yakatarwa vanofanirwa kurangwa zvakaomarara.

Tisatambe neupenyu!

Share This:

Sponsored Links