‘Tisazokanganwa kuti AIDS ichiriko’

26 Apr, 2021 - 16:04 0 Views
‘Tisazokanganwa kuti AIDS ichiriko’

Kwayedza

Conrad Mupesa

HONDO yekurwisa chirwere cheCovid-19 muZimbabwe nepasi rose haifanirwe kuona denda reAIDS – iro richiri kutora upenyu hwevanhu vakawanda – richishairwa hanya naro uye masangano enhau anofanirwa kusimbaradza kuburitswa kwenyaya dzakadai, vanodaro mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko Cde Kindness Paradza.

Vachitaura nemusi weChina chadarika kuvapepeti venhau nevakuru venhepfenyuro pamusangano wakaitwa neNational Aids Council (NAC) kuChinhoyi, Cde Paradza vanoti kunyangwe zvazvo Hurumende yave nebudiriro huru mukurwisa Covid-19, masangano enhau anofanirwa kuburitsa nyaya dzakawanda dziri pamusoro peHIV.

“Kusiyana nezvinofungwa nevamwe kuti nyaya dzeHIV neAIDS hadzisisina basa uye dzatsiviwa nedzeCovid-19, dzichiri nebasa nekudaro tinofanirwa kudzikoshesa,” vanodaro Cde Paradza.

Vanoenderera mberi vachiti, “HIV neAIDS zvagara zviri chikamu cheupenyu hwedu uye nyaya dzacho dzanyorwa zvakanyanya, zvave kuita kuti vamwe vave nemafungiro ekuti hadzisisina kunyanya kukosha. Ndinofanirwa kusimbisisa kuti nyaya yeHIV neAIDS yakakoshera vanhu, inove iri pamusoro pekutambura kwevanhu netariro.”

Cde Paradza vanorumbidza nyika nekuzadzikisa zvinangwa zve90-90-90 targets nekuda kwebasa guru riri kuitwa neHurumende, masangano akazvimirira nemakambani mukudzikisa kutapurirana kwehutachiona hweHIV muZimbabwe.

Vanoti zvakakosha kuti masangano enhau aburitse nyaya dzeAIDS zvine hungwaru uye nenzira dzisingakurudzire rusarura kune vane denda iri.
Vanotenda masangano enhau nebasa raari kuita rekuburitsa mashoko nenyaya dziri maringe nekurwisa Covid-19 zvinosanganisira kuti veruzhinji vasaite chitsokotsoko, kugeza maoko nemvura ine sipo uye kupfeka mamasiki.

Cde Paradza vanoti basa iri rinofanirwa kusimbaradzwa kuti nyika ikwanise kusvika chikamu che60 percent chevanhu vanobaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 (herd immunity).

Vanokurudzirawo NAC kubatsira masangano enhau nemagwaro ari pamusoro peHIV neAIDS (HIV and AIDS policies) nedonzvo rekuchengetedza utano hwevatori venhau.

Share This:

Sponsored Links