Tishamwaridzane

09 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Tishamwaridzane

Kwayedza

MURI kutsvaga shamwari yechirume kana yechikadzi here? Nyorai ku: Tishamwaridzane; Kwayedza, Box 396 Harare. Munogona kuunza matsamba enyu paHerald House muHarare kana kunyora paemail inoti: [email protected] kana kutumira sms panhamba dzinoti: 0714 200 007.

MUNOFARA here? Ini ndiri murume ane makore 36 ekuberekwa. Ndine chido chekushamwaridzana nemukadzi, shamwari yepamwoyo chaiyo anoda zverudo neni asiri murwere, mukoko wehuchi chaiwo parunako rwemhando yepamusoro. Anoda nezvangu, ndapota ngaave munaku, ndiye anondiwana pa0712 774 011.

*****

Makadii veKwayedza? Ndiri murume wemakore 32 nemwana 1 uye ndinotsvagawo mudzimai wekushamwaridzana naye. Handisi pamushonga. Ndinoshandira muHarare. Anoda uye ane mazirudo ngaandibate pa0783 547 340.

*****

Makadii? Ndiri mukadzi ane makore 39 ndinotsvaga murume ari pachokwadi. Ndine mwana 1. Asiri pamushonga andifarira nhamba dzangu idzi 0713 775 630.

*****

Ndiri murume ane makore 38 nemwana 1, ndinotsvagawo mukadzi ane makore 20-30 anotya Mwari uye anoshanda. Ndinoda ane mwana kana asina, ini ndinoshanda.  Andifarira uye ari HIV negative ngaandibate pa0718 806 999.

*****

Ndinonzi Never Makondora, ndinogara kuMt Pleasant uye ndine makore 38. Ndinotsvaga mukadzi ane makore 30 zvichidzika. Ndinobatika pa0774 430 779.

*****

Ndinotenda nechirongwa chenyu, ndiri murume ane makore 40 ekuberekwa nevana 2 uye ndinotsvagawo mukadzi wekuroora. Ngaave ane makore 35 zvichidzika uye anoda zvekumusha. Ndinoshanda muHarare, andifarira ngaandibate pa0778 290 720.

*****

Makadii? Ini ndinonzi Samuel Mutamba ndotsvakawo shamwari kana kuti penpals. Nhare yangu 0775 127 012.

*****

Makaita basa veKwayedza, ndakawana wangu saka vose vaifona pa0785 661 495 chiregai zvenyu.

*****

Makadii? Ndiri murume ane makore 36 ndotsvakawo mukadzi wekuroora ane makore 20 – 30. Ndine 4 vana uye ndiri HIV negative. Nhare dzangu 0784 602 794.

*****

Makadi veKwayedza? Ini ndiri mukadzi ane makore 21 nemwana 1 ndotsvagawo murume asiri pamushonga anoshanda uye anoda zvekuroora. Ngaave ane makore 27 zvichidzika, nhare yangu 0783 165 985.

*****

Makadii vedare? Ndiri murume ane makore 35 nemwana 1, ndinogara nekushandira kuSouth Africa. Ndiri kutsvagawo mudzimai ari pakati pemakore 21 – 29 asiri pamushonga uye anonamata. Ndinoda ane mwana 1 kana asina uye achida zvekumisa imba. Anenge andifarira ngaandibate pa+27 634 872 622.

*****

VeKwayedza, ndoda murume ane makore 24 kusvika 32 akanaka uye anoshanda. Ini ndine makore 21 nemwana 1. Andida ndibate pa0778 082 945.

*****

Ndinodawo musikana ane makore 18 kusvika 22. Ini ndine makore 23 uye ndinoda anoenda kuchechi. Nhare yangu 0777 017 076.

*****

Makadini veKwayedza? Ndiri mukadzi ane makore 38, HIV positive uye ndine mwana 1. Ndinoda murume akavimbika anoda zvekuroora. Andifarira ngaandibate pa0784 840 281.

*****

Ndiri mudzimai ane makore 24, ndinogara kwaMutare uye ndine vana vaviri. Ndinotsvagawo murume abva zera ave kuda zvewanano. Nhare yangu 0776 888 503.

*****

Makadii veKwayedza? Ndiri mukoma ane makore 25, ndinotsvagawo musikana ari pamushonga seniwo. Andida nhare yangu 0782 201 479.

*****

Ndiri murume ane makore 37, ndinotsvagawo mudzimai. Ndobatika pa0773 202 275.

*****

Makadii zvenyu. Ini ndiri murume ane makore 40 okuberekwa, ndinotsvagawo mudzimai akavimbika anodawo zvemusha. Anotya mwari anoenda kubasa, andifarira ngaandibate pa0715 001 763 .Ngaave ane makore 20 kusvika 35, ndatenda.

*****

Handisati ndamuwana wandiri kuda. Ari pamushonga ane makore 18 – 25 andida ngafone pa0772 221 795.

*****

Makadii veKwayedza? Ndiri murume ane makore 39 uye ndodawo mukadzi akavimbika anotya Mwari. Ndine vana 2, andida ngaandibate pa0785 562 752.

*****

Makadii? Ndiri murume ane makore 36, HIV negative uye ndinodawo mukadzi akagezeka ane zvaanoita. Ngaave akanaka anoda imba ane makore 18 kusvika 30. Ndibatei pa0715 501 339.

*****

Ndiri kutsvagawo murume ari serious nemba anoshanda. Ini ndine makore 21 nemwana wangu uye ndinoda chero ane mwana wakewo kana asina. Ane makore 25 kusvika 28 andida ngaandibate pa0771 362 316.

*****

Makadii? Ini ndiri murume ane makore 30 uye ndiri HIV+. Ndinotsvaga musikana kana mukadzi ane mwana mumwe ane makore 19 – 28. Ngaave ane chaanoita muupenyu anotya Mwari, akatendeka uye asina kureba zvakanyanya nokuti ini ndiri mupfupi. Anogara muHarare andifarira anondibata pa0772 704 345 asi matsotsi nevanotamba kwete.

*****

Ndiri murume ane makore 39 nevana 2, ndoda mukadzi ane rudo rwechokwadi asina chirwere anonamata uye asina hutsvina. Nhamba dzangu 0782 668 964.

*****

Ndiri murume ane makore 39, handina chirwere uye ndakasununguka kunotorwa ropa. Ndoda mukadzi akavimbika, nhamba yangu 0782 668 964.

*****

Ndiri musikana ane makore 19, ndinotsvagawo mukomana anoroora uye anoshandawo basa riri nani. Andifarira ngaandibate pa0773 112 477.

*****

Makadii henyu? Ndiri mukomana ane makore 26 ndotsvagawo musikana chaiye wekuroora ane makore 18 – 24. Nhamba dzangu 0773 072 354, ndiri muChinhoyi.

*****

Ndiri mukadzi ane makore 38 nevana 3, ndinotsvagawo murume ane makore 49 ari pachokwadi, vanonyepa musafona. Anondibata pa0774 067 301.

*****

Makadii veKwayedza? Ndiri mukadzi ane makore 21 nemwana mumwe chete ndotsvagawo murume wekushamwaridzana naye ane makore 26 – 30. Andifarira ngaandibate pa0775 058 592.

*****

Ndiri murume ane makore 35 nemwana 1, ndodawo musikana akanaka ane makore 20 zvichidzika. Anoshandawo andifarira ndibate pa0774 300 717.

*****

Ndinotsvagawo murume wekuwanikwa naye asina chirwere. Ndine makore 36 nevana vatatu. Andida ngaandibate pa0784 257 108.

*****

Makadii veKwayedza? Ndiri mukadzi ane makore 22 nemwana 1, ndinotsvagawo murume ane makore 25 kusvika 30 ari pachokwadi. Ngaave anoshanda asi matsotsi kwete. Ari HIV negative andifarira ngaandibate pa0784 787 528.

*****

Makadii zvenyu? Ndiri murume ane makore 38 nevana 2, ndinodawo mukadzi ane makore 21 – 30, kunyanya muNdevere. Ari pachokwadi ndibate pa0713 270 494. Maita henyu.

*****

Makadii? Ndiri murume ane makore 44 nevana 3 ndotsvagawo mukadzi wekuroora. Nhare yangu 0776 166 475.

*****

Makasimba here veKwayedza? Ini ndiri mudzimai ane makore 42, handina mwana uye ndiri HIV negative. Ndinoshanda, ndinoenda kuchechi. Ndiri kutsvagawo murume ari negative asina mukadzi asinganwe doro nekuputa fodya uye anonamata. Ngaave ane makore 44 kusvika 50. Ini ndinogara muHarare. Vandifarira ndibatei pa0715 516 340.

*****

Makadii? Ndiri murume ane makore 39 ndinotsvaga mukadzi ari pachokwadi uye ari pamushonga. Ndine vana vaviri, anoda ngaandibate pa0714 399 203 chero nguva.

*****

Ndiri madzibaba vakafirwa, ndine makore 48 nevana 2 vakura. Ndodawo mukadzi akadzikama anoda kunamata, akavimbika uye akarongeka zvikuru wechiChangani. Anoda ndibate pa0779 921 657.

*****

Makadii veKwayedza? Ndiri mukadzi ane makore 22, ndinotsvagawo murume anoda zvekuroora ane makore 29 kusvika 35. Zvakawanda tozotaura, ngaave ari pachokwadi anoda vana vangu asi varume vevanhu kwete. Ndinopinda ZCC, andida ndibate pa0715 380 359.

*****

Ndiri kutsvagawo musikana ane makore 20 – 24 ari HIV+ kubva pakuzvarwa. Ndine makore 26 uye ndichiri kupedzisa fundo pauniversity. Kana aripo wandiri kutsvaga ndinobatika pa0734 867

*****

Ndiri mukomana ane makore 32, ndinotsvagawo musikana ane makore 19 kusvika 30. Ndoshanda uye ndodawo akanaka anogeza. Fonai pa0776 001 703.

*****

Makadii veKwayedza? Ndiri murume ane makore 37 ndinodawo musikana ari HIV positive asingataridzike. Zvizhinji totaura pa0772 940 346.

*****

Ndiri mukadzi ane makore 39 ndinoda murume ane makore 40 zvichikwira ari negative. Ndinobatika pa0784 540 217.

*****

YAMBIRO PAMUSORO PETISHAMWARIDZANE

CHIRONGWA chino ndeche vanhu vari pachokwadi avo vari kutsvaga shamwari (penpals) pamwe neavo vari kutsvaga wekuroorana naye.
Naizvozvo vose vanotumira maSMS avo kuchirongwa chino ngavave vanhu vari pachokwadi uye voshandisa nhamba dzenharembozha dzavo chaidzo. Hachipo kuparadza dzimba dzevanhu nokudaro avo vakawanikwa nevakaroora havakurudzirwe kunyorera kuchirongwa ichi. — MUPEPETI.

Share This:

Sponsored Links