TISHAMWARIDZANE

21 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
TISHAMWARIDZANE Tishamwaridzane

Kwayedza

MURI sei paTishamwaridzane? Huni dzinoda mbiri kuti dzizopfuta nemoto muzhinji. Ndiri murume apindwa nechando charuma nyika ichi. Makore angu 36. Kana pane shamwarikadzi apindwawo nechando zvekugeda -geda meno ngatiyanane, tidanane, tipanane mazirudo anodziya nekunyungudutsa mamvuramabwe, tizofara tose mumazirudo. Ndinoda munaku, akanakisa senyenyedzi mudenga. Mukoko wehuchi, tsiru inokamwa mukaka une huromba. Mutano asiri pamushonga. Ndiripo pa0712 774 011.
*****
Ndiri mukadzi ane makore 55, ndotsvagawo shamwari yechirume ine makore 58 kusvika 60 asiri pamushonga. Nhare yangu +27 640 450 151.
*****
Makadii? Ndinotsvagawo musikana wekuroora ane makore ari pasi pe20. Andida ngaandibate pa0772 956 902. Ndinogara kuMvurwi.
*****
Ndiri mukadzi ane makore 39, ndotsvagawo murume ane makore 47 – 60 asi vane vakadzi regai henyu. Nhare yangu 0776 168 417.
*****
Makadii veKwayedza? Ndiri murume ane makore 38 asina mwana uye ndiri kutsvagawo mukadzi akanaka anobva kunaMwari. Ndinoda asina mwana ane makore 25 kusvika 30, ngaave ari mushava wekumasowe. Anoda zvekurima anoita mamabasa amaoko andida ngaandibate apa 0716 357 062.
*****
Makadii veKwayedza? Ini ndiri musikana ane makore 20, ndinotsvagawo mukomana ane makore 22 – 26 ari pachokwadi. Ari HIV positive andida ngaandibate pa0785 705 403.
*****
Makadii? Ndiri mukadzi ane makore 50, ndiri pamushonga uye ndotsvagawo murume ari pamushonga ane makore akadarikawo angu. Nhare yangu 0775 003 162.
*****
Ndiri murume ane makore 45, ndorarama nemushonga uye ndoda mudzimai akanaka wekuroora. Ndine vana vaviri. Nhamba yangu 0771 682 295.
*****
Ndiri murume anodawo mudzimai ane makore ari pasi pemakumi matatu nematatu. Runhare rwangu 0777 696 915.
*****
Makadii veKwayedza? Ndinotsvagawo mudzimai wekuroora akarongeka ane makore 18 – 28 ari negative. Ndobatika pa0783 010 466.
*****
Ndiri mudzimai ane makore 44, ndiri pamushonga uye ndinoda murume wekushamwaridzana naye. Ndinobatika pa0775 255 594.
*****
Makadii? Ndiri mukadzi ane makore 48 nemwana 1. Ndinoshanda uye ndinotsvagawo murume anoshanda makore ane makore 50 zvichikwira. Ndiri pamushonga, andida ngaandibate pa0712 043 597.
*****
Makadini? Ndishambadzewo, ndanyorera ndanyorerazve. Ndiri murume ane makore 47, ndiri muHarare uye ndaneta nematsotsi. Ndine vana vaviri, ndodawo mudzimai anoda zvewanano. Nhare yangu 0785 368 815.
*****
Makadii veKwayedza? Ndiri murume ane makore 48, ndinotsvakawo mudzimai anodawo zvemba ane makore 30 kusvika 48. Totaura parunhare zvakawanda, vanoda ndibatei pa0737 506 629.

Share This:

Sponsored Links