Tishamwaridzane

13 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Tishamwaridzane Tishamwaridzane

Kwayedza

MAKADIIKO veKwayedza? Ndiri murume ane makore 26, ndinodawo musikana ane makore 18 kusvika 24 anoda zvemba uye akanaka. Asiri pamushonga ngaandibate panhamba dzangu 0777 315 189.

*****

Makadii veKwayedza? Ndiri murume ane makore 25 nemwana 1, ndotsvagawo musikana wekuroora ari pachokwadi asiri pamushonga ane moyo wakanaka ane makore 18 kusvika 21. Andida nhare yangu 0785 271 115.

*****

Makadii veKwayedza? Ndiri mudzimai ane makore 33. Ndinoshanda uye ndine vana vaviri. Ndinotsvagawo murume anosevenza, anofarira kugeza ari murefu achitaridzika. Ngaave anonamata. Varume vevanhu kwete nekuti handina nguva yekutamba. Nhare yangu 0785 584 286.

*****

Ndiri mukadzi ane makore 25, ndotsvakawo murume anoda kuroora ane mwana 1 uye ane makore 35 zvichidzika. Ndine mwana 1, ndoda asiri pamushonga anoziva kutsvaga mari. Nhamba yangu 0779 855 355.

*****

Makadii veKwayedza? Ndiri mukomana ane makore 24 ekuberekwa. Ndiri kutsvagawo musikana ane makore 18 zvichikwira. Andida ngaandibate pa0773 871 844.

*****

Makadii veKwayedza? Ini ndakambonyorerawo kuchirongwa ichi asi ndakasangana nematsotsi. Ndiri murume ane makore 40 nevana 4 uye handina chirwere.   Ndodawo asina chirwere ane makore makore 35 zvichidzika. Ndiri kumusha saka ndodawo wekumusha. Andifarira nhare dzangu idzi 0778 169 507, ndiri kuChinhoyi.

*****

Makadii veKwayedza? Ndotsvagawo mudzimai anoda kuvaka imba ari pachokwadi. Anoda anofona totaura zvakawanda pa0733 156 395.

*****

Ndiri murume ane makore 56, ndinotsvagawo mukadzi anoda zvemba. Ndiri pamushonga asi handitaridziki kuti ndiri positive. Ngaave akashambidzika uye anotya Mwari, nhare yangu 0779 058 701.

*****

Makadii? Ndodawo murume ari pachokwadi, ndine makore 45. Vanoda ndibatei pa0737 546 311.

*****

Makadini! Ndiri murume ane makore 40, ndiri pamushonga uye ndinoda mukadzi wekuroora ane vana vaviri seni. Andifarira ndibate pa0779 178 089.

*****

Makadii veKwayedza? Ndiri mukomana ane makore 26 ekuberekwa uye ndinotsagawo musikana wekuwadzana naye. Ngaave nemakore 18 – 23 ari pamushonga seniwo. Andifarira anondibata pa0787 294 083.

*****

Ndiri mukadzi ane makore 41, ndinotsvagawo murume ane makore 46 kusvika 50 anoshanda. Nhamba dzangu 0782 091 689.

*****

Makadii veKwayedza? Ndinotsvagawo murume ane makore 35 kusvika 40 ari HIV negative nevana 2. Anondida ngaandibate pa0777 397 714.

*****

Ndiri murume ane makore 44, ndiri pamushonga uye  ndoda mukadzi ane makore 35 kusvika 40. Nhamba dzangu 0771 272 183.

*****

Ndinodawo musikana wekufambidzana naye, andida anondibata panhamba idzi 0777 088 949.

*****

Ndiri mukomana ane makore 28 ndinodawo musikana wekufambidzana naye ane makore 24 zvichidzika. Andida anondibata panhamba idzi 0777 088 949.

Makadini veKwayedza? Ndiri mukomana ane makore 23, ndotsvagawo musikana wekuroora ane makore ari pakati pe18 ne22 asiri pamushonga. Andifarira ngaandibate pa0715 174 064.

*****

Ndiri mukadzi ane makore 38, ndinotsvagawo murume ane makore 50 asingadyi mushonga. Zvakawanda tichataura pa0712 783 423.

*****

Makadii? Ndotsvagawo mukadzi wekuroora ane makore 20 kusvika 30. Ini ndine makore 32, nhamba dzangu idzo 0786 607 841.

*****

Makadiniko veKwayedza? Ini ndiri murume ane makore 36, ndinotsvagawo mukadzi ane makore 25 kusvika 32. Zita rangu ndinonzi Kenny Bhasopo, nhare yangu 0777 291 993.

*****

Ndiri mukadzi ane makore 28 nevana 2, handina chirwere uye ndinotsvagawo shamwari yekufambidzana nayo ine vana neutano hwakanaka. Anondida andibate pa0774 371 211. Ndatenda.

*****

Ndiri mukadzi ane makore 38, ndinotsvagawo murume wekushamwaridzana naye ari pamushonga asingaratidzike. Ndine vana 2, nhamba dzangu 0778 433 552.

*****

Makadii veTishamwaridzane? Ini ndiri mukomana ane makore 27, ndinotsvagawo mukadzi ane makore 18 kusvika 28 anoda zvemusha. Nhamba yangu 0784 310 962. Ngaave ari pachokwadi, ini ndiri kuMasvingo.

*****

Makadii wanyori wechirongwa? Ndiri murume ane makore 34, ndotsvagawo mukadzi wekuroora ari pamushonga ane makore 20 kusvika 30. Ngaandibate pa0715 698 198.

*****

Makadii veKwayedza? Ndiri mudzimai ane makore 35, HIV positive nevana vaviri. Ndinotsvagawo shamwari ine rudo rwechokwadi inotya Mwari. Andifarira ngaandibate pa0773 357 955.

*****

Makadii veTishamwaridzane? Ndiri murume ane makore    30, handina mwana uye ndotsvakawo mukadzi wekuroora   ari pachokwadi. Vanoda zvekutamba kwete, nhare yangu 0714 772 782.

*****

Ndakambonyora ndanyorazve asi handna kushambadzirwa tsamba yangu. Ndiri murume ane makore 31 ekuberekwa uye ndotsvagawo mudzimai ane makore 20 – 25 ane mwana kana asina. Andida ngaandibate pa0712 582 098.

*****

Makadii? Ndiri murume ane makore 38 uye ndinotsvakawo mukadzi ane makore 25 zvichikwira. Andifarira ngaandibate pa0778 597 768.

*****

Makadii zvenyu muchirongwa Tishamwaridzane? Ndotsvaga mudzimai wekuroora, ndine mwana mumwe chete uye makore angu i36. Ndoda ane makore 20 zvichikwira ari negative. Ndatenda hangu, nhare yangu 0713 602 316.

*****

Ndiri mudzimai ane makore 43, ndinotsvakawo murume wekushamwaridzana naye ari pachokwadi. Ndine vana 2, andida ngaandibate pa0779 442 053.

*****

Makadii? Ndinotsvagawo musikana wekuroora ane makore 20 kusvika 23. Andida ngaandibate pa0777 278 649.

*****

Ndiri mukomana ane makore 20, ndinotsvaga musikana wekuroora. Andifarira ngaandibate pa0712 702 368.

*****

Makadii veTishamwaridzane? Ndiri mukomana ane makore 23 uye ndogara muHarare. Ndodawo musikana ave kuda zvemba ane makore 18 – 23. Nhare yangu 0771 726 421.

*****

Makadii? Ndiri murume ane makore 30, ndinoshandira muHarare uye ndotsvaga mudzimai ane makore 18 kusvika 23 anogona zvemusha. Asina HIV ngaandibate pa0714 248 355.

*****

Makadini veKwayedza? Ndanzwa nekunyorera shambadzo yangu haisi kubuda. Ndiri mukomana ane makore 26, ndinodawo musikana chero ane mwana wake akanaka chiso nemwoyo anotya Mwari. Ndinoda wekufambidzana naye anondipa rudo rwemachokwadi    ane makore 18  kusvika 27 asi vakadzi vevanhu kwete . Andifarira andida nhare yangu 0712 493 547.

*****

Makadii veKwayedza? Ndiri kutsvaka mukadzi ane makore 25 – 30 anoshanda uye anogara kumba kwake ane vana. Asinawo chirwere ngaandibate pa0713 770 031.

*****

Ndiri murume ane makore 39 nemwana 1 uye ndiri HIV positive. Ndinoda mukadzi anozvishandira ane rudo. Ndinogara kuHarare, vanoda ndibatei pa0772 666 335.

*****

Ndiri kutsvagawo mudzimai wekushamwaridzana naye, ndine makore 42 uye ndodawo ane makore ari pasi peangu. Ndobatika pa0773 401 865.

*****

Makadiiko veKwayedza? Ndiri mufundisikadzi ane makore 49 nevana vaviri, vose vakura. Ndiri kudawo murume ane 52 – 60 years anoda Mwari uye kuroora. Nhare yangu 0772 835 889.

*****

Makadii veKwayedza? Ini ndiri mudzimai ane makore  makumi mana nemashanu ekuberekwa. Ndiri kutsvakawo murume ari pachokwadi anoda zvemba ane makore makumi matanhatu zvichienda mberi ari pachirongwa. Nhare yangu 0776 051 585.

*****

Makadii veKwayedza? Ndiri murume ane makore 26, ndinotsvagawo mudzimai wekuroora. Andifarira ngaandibate pa0772 473 420.

*****

Makadii veKwayedza? Ndiri murume ane makore 36, ndinotsvagawo mukadzi ane makore 18 kusvika 30 akazvipira kuvaka imba. Vanotamba kwete, ngaave anonamata. Nhare yangu 0773 322 586.

*****

Ndinotenda Kwayedza nebasa renyu rinonwisa mvura. Ndiri murume ane makore 49 uye ndiri pamushonga. Ndinotsvagawo mudzimai wekuroora. Nhare yangu 0773 681 909.

*****

Makadii veKwayedza? Ndiri murume ane makore 34 nevana 2. Ndinotsvagawo mukadzi wekushamwaridzana naye mutsvuku anogeza uye asina hurwere. Andida ngatitaure tose pa0783 248 095.

*****

Ini ndiri mukomana ane makore 29, HIV negative uye ndodawo musikana wekuroora asina mwana anoda zveimba ane makore 19 kusvika 25. Nhare yangu 0776 925 290.

*****

Ndiri mukadzi ane vana vaviri, ndine makore 29 uye  ndinotsvagawo shamwarirume iri pachokwadi. Vanoda ndibatei pa0777 292 761.

*****

Makadii veTishamwaridzane? Ini ndiri mukomana ane makore 27, ndinotsvakawo musikana ane makore 19 kusvika 24 akanaka. Andifarira ngaandibate pa0712 077 114.

*****

Ndiri mukomana ane makore 20 okuberekwa. Ndinotsvagawo mukadzi wekuwadzana naye. Andifarira ngaandibate pa0776 581 063.

*****

Ndiri murume makore 44, ndiri pamushonga uye ndine vana 2. Ndinoda mukadzi ari pachokwadi, anoda zvemba. Ndatenda hangu, nhare yangu 0778 273 813.

*****

Makadii veKwayedza? Ndiri mukadzi ane makore 33 nevana vaviri uye ndotsvagawo murume ane makore 40 zvichikwira asina mukadzi. Anonamata asiri pamushonga ndowanika pa0778 628 972.

*****

Makadii veKwayedza? Ndiri mukomana ane makore 23, ndinotsvagawo musikana ane makore 18 kusvika 20. Ndinoshanda mabasa emawoko, anoda nezvangu ngaandibate pa0712 484 879. Matext kana kufona ndozvandoda, ndatenda.

*****

Makadii veTishamwaridzane? Ndiri mukomana ane makore 23, ndinogara kuZhombe uye ndinotsvagawo musikana wekuroora ane makore 18 zvichikwira. Nhamba  dzangu 0776 858 709.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>