Tishamwaridzane

22 May, 2020 - 00:05 0 Views
Tishamwaridzane

Kwayedza

MURI kutsvaga shamwari yechirume kana yechikadzi here? Nyorai ku: Tishamwaridzane; Kwayedza, Box 396 Harare. Munogona kuunza matsamba enyu paHerald House muHarare kana kunyora paemail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana kutumira sms panhamba dzinoti: 0714 200 007.

KWAYEDZA ndokutendai nechirongwa chenyu, ndakamuwana wandaida. God bless you, vese vaifona pa0771 959 152 chiregai.

******

Makadii veKwayedza? Ndiri mukomana ane makore 26, ndogara kwaMutare uye ndotsvagawo musikana wekuvaka naye musha ane makore 18 – 20. Nhare yangu 0775 318 529, mazvita.

******

Makadii veKwayedza? Ndinotsvagawo murume wekushamwaridzana naye. Ndiri mukadzi ane makore 22, ndinoda murume ane makore 30 zvichidzika.  Ndine mwana 1, andifarirawo ngaandibate pa0778 409 109.

******

Makadini hama? Ndiri mudzimai ane makore 26 ekuberekwa, ndine mwana 1 uye ndinotsvakawo murume anoda kuroora ari HIV negative. Ari paidi andida ndibate pa0785 266 356.

******

Makadii veTishamwaridzane? Ndiri mukadzi ane makore 30, handina mwana uye ndotsvagawo murume anoda zvekuvaka musha ane makore 35 – 45 asina chirwere uye anonamata. Anondida anondibata pa0771 166 964.

******

Makadii veKwayedza? Ndotenda nebasa ramunobata. Ndiri murume ane makore 29 ndine mwana mumwe chete. Ndotsvaga mukadzi wekuroora ari pachokwadi ane mwana mumwe chete kana asina ane makore ari pasi peangu. Ngaave akanaka chiso nemwoyo uye anotya Mwari. Ndinoda anoshanda basa rinoonekera nokuti ini ndinoshanda, asi matsotsi vanonditambisira nguva nekuda mari nevakawanikwa kwete. Zvakawanda totaura, anenge andifarira ngaandibate pa0715 153 042.

******

Makadiiko vechino chirongwa? Ndiri mudzimai ane makore 38, ndinotsvagawo murume wekuvaka naye musha ane makore 55 – 60. Ndinoda anoshanda muHurumende. Hutano negative, andifarira anondibata pa0771 616 094.

******

Ndiri murume ane makore 45 nevana 2, HIV negative uye ndoda mukadzi ane makore 25 kusvika 34 ane mwana 1 kana 2. Ngaave ari mutete ari serious uye anonamata. Nhare yangu  0779 375 696.

******

Makadii veTishamwaridzane? Ini ndiri murume ane makore 31 nevana vaviri. Ndinotsvagawo mukadzi ane makore 22 kusvika 29. Ndiri HIV negative, vanoda vanondibata pa0782 216 072. Ndinoita zvekurima ndinoda ari serious nemba, ndapota budisaiwo shambadzo yangu.

******

Makadini veKwayedza? Ndiri murume ane makore 46, ndinodawo shamwarikadzi yakavimbika. Ini handisi pamushonga Zvakawanda tozotaura, nhare dzangu 0772 704 803.

******

Makadii? Ini ndiri mukomana ane makore 25, ndinotsvagawo musikana wekuroora ane makore 18 kusvika 24. Anoda ndibatei pa0713 595 614.

**********

Makadii?

diri mukomana ane makore 25, ndinotsvagawo musikana ane makore 19 – 23. Zvakawanda totaura pafoni, andifarira ngaandibate pa0782 721 462.

**********

Ndiri mukomana ane makore 21, ndotsvagawo musikana ane makore 20 zvichidzika anogara muHarare. Andida ngaandibate pa0785 703 648.

**********

Makadii veTishamwaridzane? Ndiri mukomana ane makore 23, ndinotsvagawo musikana wekuroora ane makore 18 kusvika 20 asina chirwere. Nhare yangu 0776 858 709.

**********

Ndinonzi Misheck, ndiri kuZhombe ndine makore 23, ndinotsvagawo musikana ane makore 18 kusvika 20 asina chirwere. Akanaka nhare yangu 0776 858 709.

Makadii veKwayedza?

Ndiri musikana ane makore 22, ndinodawo mukomana ari pachokadi ane makore 24 kana 25 anomukira kubasa.

Nhamba dzangu i0778 718 450.

**********

Makadini veTishamwaridzane? Ndiri mukomana ane makore 20, ndinodawo musikana asiri pamushonga.

Ngaave nemakore 18 zvichikwira, nhamba dzangu 0784 660 819.

Share This:

Sponsored Links