TITSIGIREI: KWINJI 15

18 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
TITSIGIREI: KWINJI 15 Sithethelelwe “Kwinji 15” Sibanda

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI wemaMighty Warriors Sithethelelwe “Kwinji 15” Sibanda anoti nhabvu yemadzimai yemuno inoda rutsigiro rwakasimba kuti igosimukira sezvaita yekune dzimwe nyika.

Muhurukuro neKwayedza, Kwinji 15 anoti nhabvu yemadzimai haisi kusimukira nekuda kwekuti hakuna maligi eUnder-15, 17 nemamwe uko kunobikwa vatambi vechidiki izvo zviri kuzotuma vamwe kutamba nevatambi vechikuru.

Anoti izvi zvinokanganisa kusimukira kwemutambi sezvo kana achitambiswa nevakuru kwaari anogona kutya kutamba navo.

“Panofanirwa kugadziriswa zvikuru panyaya yekuumba maligi evechidiki uko madzimai anobikwa vachikura vachisimukira sezviri kunhabvu yevanhurume.

“Pakaita maligi eU15 neU17 akanaka zvikuru nekuti ndiko kunobikwa mutambi paanenge achisimukira. Izvezvi vatambi vechidiki vave kutambiswa nevakuru kwavari izvo zvinove zvatisingatarisire nekuti vanenge vasati vanyatsobikika zvekusvika pakutamba nevatambi vakuru ava,” anodaro.

Anoenderera achiti, “Nhabvu yevechidiki inodiwa uye hapana zvatinenge tichiita kana tikasadira mari mune vechidiki nekuti ndivo vatambi vemangwana, kuti tizopemberera mangwana tinofanirwa kunge tabika vechidiki.

“Hutungamiri hwenhabvu yemuno vane basa guru ravanofanirwa kubata kuti nhabvu yevechidiki iyende mberi, tikasadaro hapana zvatinenge tichiita,” anodaro.

Kwinji 15 anoti iye nevamwe vakambotambira maMighty Warriors nezvimwe zvikwata zvakasiyana vari kutsvaga nzira dzekugadzirisa zvimhingamipinyi zviri kusangana nenhabvu yemadzimai.

“Isu tiri kubatawo mabasa akasiyana. Ini semurairidzi wenhabvu, chishuwo changu kuona kuti nhabvu yemadzimai yasimukira uye yaenda mberi,” anodaro.

MaMighty Warriors muna2016 akaenda kunokwikwidza kumaOlympics kuBrazil ndokuita chikwata chekutanga chenhabvu chemuno kuenda kumakwishu aya.

Share This:

Sponsored Links