‘Tiudzei vanhu vabva kunze kwenyika’

03 Jun, 2020 - 16:06 0 Views
‘Tiudzei vanhu vabva kunze kwenyika’ Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

MADZISHE, masadunhu nevamwe vatungamiriri vematunhu vakawana dzidzo kubva kuHurumende iri pamusoro pekuipa kwetsika yekuhwandisa vanhu vanenge vabva kunze kwenyika vasingazivise vezveutano senzira yekudzivirira kupararira kwecoronavirus iyo inokonzera chirwere cheCovid-19.

Mashoko aya akaziviswa negurukota rezvekufambiswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa, nemusi weChipiri apo vaitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet muguta reHarare.

Zimbabwe pari zvino yave nevanhu 206 vavhenekwa ndokubatwa vaine Covid-19 uye vakawanda vavo vari kunge vabva kunze kunyika dzine chirwere ichi dzinosanganisira South Africa.

Sen Mutsvangwa vanoti madzishe, masadunhu nevamwe vatungamiriri vematunhu vakadzidziswa nekomiti iri kuona nezvekufambiswa kwemashoko maringe nechirwere ichi, yeInfomation and Risk Communication Sub-Committee, nezvenjodzi yekusazivisa pamusoro pevanhu vanenge vadzoka kubva kunze kwenyika.

Pasi pemutemo wekurwisa kupararira kweCovid-19, vose vari kupinda munyika muno vachibva kunze vanofanirwa kumbochengetwa kunzvimbo dzavo voga kwemazuva 21 pachionekwa kuti havana chirwere ichi here.

“Information and Risk Communication Sub-Committee yakadzidzisa vatungamiriri vematunhu vekuMashonaland Central, Mashonalana East, Mashonalana West neMatatabeleland South pamusoro penjodzi yekuhwandisa vanhu vanenge vabva kunze kwenyika mumatunhu avo vasingavamhan’arire.

“Vatungamiriri vematunhu ava zvakare vave nhengo dzeInformation and Risk Communication Sub-Committe,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti pavanhu vari kuvhenekwa vachionekwa vaine coronavirus, vakawanda vavo ndeavo vanenge vabva kunze kwenyika.

“Vari kuwanikwa vari positive vakawanda vacho ndevari kubva kunze kweZimbabwe avo vanenge vakachengetedzwa kunzvimbo dzavo voga. Nyaya yekuti pavanhu vanenge vakachengetedzwa ava pari kuwanikwa vane chirwere ichi mucherechedzo wekuti kuchengetedzwa kwavari kuitwa uku kuri kubatsira zvikuru, sezvo vachichengetedzwa vasati vasangana nevamwe veruzhinji.

“Huwandu hwevanhu vabva kunze kwenyika vakachengetedzwa kunzvimbo dzakasiyana pari zvino vanosvika 3 766,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti kunyangwe zvazvo Cabinet ichiyemura basa guru rinoitwa nevatyairi vemagonyeti rekutakura zvinhu zvakasiyana pakati peZimbabwe nedzimwe nyika, dare iri rinoshushikana nekatsika kave kuitwa nevamwe vatyairi kekutakura vanhu zvisina mvumo sezvo zviine njodzi yekukonzera kupararira kweCovid-19.

Cabinet yakaita chisungo chekuti vose vatyairi vemagonyeti vachabatwa vachitakura vanhu zvisiri pamutemo vanofanirwa kurangwa zvakaringana.

Sen Mutsvangwa vanoti nechinangwa chekuona kuti vanhu vanotambura vawana chikafu panguva ino nyika yakatarisana nekurwisana nekupararira kweCovid-19, Hurumende ine zvirongwa zvairi kuita zvekuvabatsira.

“Vanhu vanosvika 109 735 kubva pahuwandu hwe200 000 vakabatsirwa ne$180 pamunhu. Vanobatsirwa ava pane zvavanofanirwa kunge vachizadzikisa sezvinotarisirwa,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Nechinangwa chekuti veruzhinji vawane mvura yakachena yekushandisa, Hurumende yakavandudza zvibhorani 2 033 nemapurojeti 33 zvakare emvura inofamba nemupombi nedzimwe nzvimbo 1 340 dzinocherwa mvura yekushandisa.

 

Remember to wash your hands regularly and practice social distancing to help curb the spread of Covid 19. This email is confidential and may be legally privileged. It is for the intended recipient only. If you have received it in error, please immediately notify the sender and then delete it. Please do not copy it, disclose its contents or use it for any purpose whatsoever. Zimbabwe Newspapers (1980) Ltd and its subsidiaries do not accept any liability whatsoever for the contents of any e-mail. Please think environment before printing emails

Remember to wash your hands regularly and practice social distancing to help curb the spread of Covid 19. This email is confidential and may be legally privileged. It is for the intended recipient only. If you have received it in error, please immediately notify the sender and then delete it. Please do not copy it, disclose its contents or use it for any purpose whatsoever. Zimbabwe Newspapers (1980) Ltd and its subsidiaries do not accept any liability whatsoever for the contents of any e-mail. Please think environment before printing emails

Share This:

Sponsored Links