TM Pick n Pay neTwins Association vabatsira manyatatu

24 May, 2023 - 19:05 0 Views
TM Pick n Pay neTwins Association vabatsira manyatatu Mai Talent Mbizi Shayamano (vechitatu kubva kuruboshwe) vaine vashandi vekwaTM neveZimpapers vachipihwa rubatsiro

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

BEPANHAU reKwayedza, rakabatana nevatsigiri varo vanosanganisira TM Pick n Pay, Twins Association of Zimbabwe nevamwe vanhu vakazvimiririra, vapa rubatsiro rwunosanganisira chikafu, magumbeze nemukaka wevana kuvana manyatatu vekuEpworth avo vange vakatarisana nedambudziko guru rekushaya chikafu.

Mubereki wevana ava, Mai Talent Mbizi Shayamano (39), vakapotera kuKwayedza vachitsvaga rubatsiro nekuda kwekushaya sezvo ivo vasiri kubuda mukaka wakakwana.

Paidamoyo Esther Mhazo, uyo anova Marketing Manager kuTM Pick n Pay, anoti vanofara zvikuru kudzorera kunharaunda idzo vanodyidzana nadzo.

“Takanyorerwawo tsamba neKwayedza vachikumbira rubatsiro maringe nemudzimai uyu akabara vana vatatu panguva imwe tikaona zvakakodzera kuti tibatsire nezvishoma zvatinazvo. Ticharamba tichishanda nebepanhau iri mukubatsira nharaunda pose patinenge tichikwanisa,” anodaro.

Paidamoyo Esther Mhazo akabata mumwe wevana manyatatatu

Tendai Lawyer Katonha, anova mukuru weTwins Association of Zimbabwe, anoti boka ravo rinotsigira mapatya kana manyatatu nekudaro vaona zvakakosha kuti vabatsire.

Katonha anoti vari kutarisira zvekare kupa huku 200 kumhuri iyi kuti vaite mabhindauko anobatsira muraramo yavo.

Mai Shayamano vanotenda nerubatsiro urwu uye vavimbisa kupa mumwe wevana ava zita rekuti Kwayedza.

Mutauriri weZimpapers – iyo inodhinda Kwayedza – Pauline Matanda, anoti: “Sekambani, tagara tichikurudzira kushanda nemamwe mapoka mukubatsira vanotambura sezvataita nhasi apo bepanhau redu reKwayedza rabatana neTM Pick n Pay, Twins Association of Zimbabwe nevanhu vakazvimirira mukuona kuti vana ava nemhuri yavo vawana zvavanoda mukurarama. Ticharamba tichishandisa mapepanhau edu kusimudzira nekupa rubatsiro kune vanoshaya.

Nhengo dzesangano reTwins Association vachipa rubatsiro kumhuri yevana manyatatu

“Tinotenda TM Pick n Pay nerutsigiro rwayagara ichitipa, tiine tarisiro yekuramba tichishanda tose. Tinotendawo Twins Association of Zimbabwe nevanhu vose vasarudza kushanda nesu mukubatsira vana ava.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey