Tokoshesa upenyu: WHO

01 Mar, 2021 - 11:03 0 Views
Tokoshesa upenyu: WHO Dr Tedros

Kwayedza

Tandayi Motsi

SANGANO rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (who) rinoti donzvo guru pari zvino nderekumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 uye nekuchengetedza upenyu hwevanhu.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri svondo rino vari kumuzinda wavo uri kuGeneva, kuSwitzerland – Dr Tedros Adhanom Ghebreyesus, avo vanova mukuru weWHO – vanoti denda iri rasandura zvachose mararamiro evanhu nenzira isina kumbobvira yafungirwa apo rakanyuka kekutanga.

“Nharaunda ipi neipi zvayo yakanganiswa nekuda kwechirwere ichi. Donzvo redu guru panguva ino kumisa kupararira kwechirwere ichi nekuchengetedza upenyu. Tine zvekushandisa kuti tikwanise kuzadzikisa izvi.

“Nyika dzakawanda dzaratidza kuti kunyangwe pasina mushonga wekudzivirira denda iri (vaccines), Covid-19 inokwanisa kumiswa kupararira kwayo kuburikidza nekutora matanho akakodzera ari pamusoro pekuchengetedza utano,” vanodaro Dr Tedros.

Vanoti zvichitevera kuvepo kwemajekiseni emushonga wekudzivirira vanhu kuti vasabatwe nechirwere cheCovid-19, mushonga uyu unofanirwa kushandiswa nemazvo.

Vanotizve kusvika pari zvino, vanhu vanodarika 210 miriyoni vabaiwa majekiseni ekudzivirira kuti vasabatwe neCovid-19 pasi rose, asi chidimbu chevanhu ava vari munyika mbiri apo chikamu che80 percent ndevekunyika dzinosvika gumi.

“Nyika dzakawanda hadzisati dzambobaya kana munhu mumwe chete majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19,” vanodaro Dr Tedros.

Dr Tedros vanoti chirwere ichi chiri kukonzera matambudziko makukutu pasi rose.

“Chirwere cheCovid-19 chasandura zvachose mararamiro edu nenzira dzataisambofungira apo pachakatanga gore radarika.

“Kunze kwekukonzera rufu, nyaya dzekusimukira kweutano dzadzoserwa kumashure zvakanyanya, mamiriyoni akawanda evanhu varasikirwa nemabasa, zvikoro zvakavharwa, hurombo nenzara ndokuwedzera uye budiriro yeupfumi pasi rose ndokukanganiswa zvakanyanya,” vanodaro Dr Tedros.

Share This:

Sponsored Links