Tomatoe odya nhoko dzezvironda

26 Jun, 2022 - 07:06 0 Views
Tomatoe odya nhoko dzezvironda Tomato

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUIMBI uye mutambi wemadhirama – Talent Jimu – uyo anonyanya kuzivikanwa nezita remadunhurirwa rekunzi Tomatoe, anoti ari kudya nhoko dzezvironda zvichitevera kuomerwa kwaaitwa neupenyu.

Tomatoe (27) anoti zvemitambo hazvisi kumubhadhara izvo zvaita kuti aomerwe.
Anoti akatangira basa remadhirama kuNorton makore anodarika gumi.

“Basa rekuimba nemadhirama ndakaritanga kare kuNorton apo taiita mitambo iyi naMagariyanza, Ghetto nevamwe. Ndakamboimbawo naFirst Farai, Progress Chipfumo, Simon Mutambi, Sugar Sugar Manjokota nevamwe ndokuzopinda munyaya dzemadhirama idzi,” anodaro Tomatoe.

Muchinda uyu, uyo ane mudzimai nevana, anoti basa rake harisi kumupa mari inomukwanira kuti araramise mhuri yake.

“Ndine madhirama akawanda andakanyora anongoda kuti nditsikise, ndinorarama nekuita madhirama mumabhawa nemunzvimbo dzinosangana veruzhinji. Mari yandinowana ndeyekukandirwa nevanhu vane tsiyo nyoro.

“Ndinoshuvira kuti kudai ndawana magwaro ekuti ndipotewo ndichivaraidza vana muzvikoro zvaindibatsira nekuti unowana mari ine chitsama,” anodaro Tomatoe.

Anoti anombosanganawo nevanhu vane mazita makuru vanovimbisa kumubatsira asi hapana chinozobuda.

“Mitambo yemadhirama kune dzimwe nyika inoraramisa asi muno kazhinji hapana chinobuda kunze kwevamwe vakaita mukurumbira kare,” anodaro Tomatoe.

Share This:

Sponsored Links