Uncategorized

Tome: Murume anopfeka nguwani mbiri

17 Dec, 2014 - 08:12 0 Views

Kwayedza

Ishe kwaZvimba, pa muHarare , ‘Handina dambudziko nazvo ini’

ISHE Berepere vekwaZvimba, VaAlfred Tome, avo vachangobva mukugadzwa vachivazve Provincial Administrator (PA) weHarare Metropolitan, vanoti vanokwanisa kuita mabasa avo maviri aya pasina dambudziko sezvo vaine chido chekushandira nyika.

Ishe Tome vakambova mukuru wechikoro cheDavid Livingstone Junoir kwemakore gumi.

Vanoti vanoshanda siku nesikati kuti vagone kubatanidza mabasa maviri avanoita.

“Ndine basa rangu randinenge ndichidiwa kuti ndinge ndichishanda kudhorobha ukuwo vanhu vekudunhu rangu vanenge vachida kutungamirirwa nekutongerwa nyaya dzavo kumatare.

“Zvese izvi ndinozvigona nekuti ndiri munhu anoshanda nesimba ndichironga zvinhu zvangu. Zvinotogona kunetsa mumwe munhu kuti ko munhu uyu anozvigona sei nekuti mabasa enyika anenge achida kuitwa,” vakadaro.

Vanoti vanofara zvikuru kuti mabasa ose avakaita neavari kuita ane chekuita nebudiriro yenyika izvo zvinovapa rimwe simba rekuti varambe vachishanda.

“Mazuva andakange ndiri mukuru wechikoro pamwe chete semurairidzi ndaifara zvikuru kunge ndiri munharaunda ine vana ndichisimudzira dzidzo munyika.

“Ndiri munhu uya anofarira kuterera zvinotaurwa nevamwe, ndokusaka ndichiramba ndichishanda nevanhu munzvimbo yandiri kutungamirira saShe Berepere,” vakadaro ishe avo vakatungamirira David Livingstone Junior kubva muna 1995 kusvika 2005.

“Ndinofarira nyaya dzemitambo yakadai senhabvu uye ndinoda kupa kutenda kuchirongwa cheNziramasanga Commission (1999) nekuti chinopa mikana kuvadzidzi kuti vange vachidzidziswa zvidzidzo zvinoenderana nezvinhu zvavanozoita mune ramangwana. Zvidzidzo sezvekuvaka, kurima, kubika, kuveza nezvimwe zvinoita kuti vana vagowana mabasa emawoko mushure mekupedza fundo yavo,” vakadaro VaTome.

Vanoti nyika ikave nevanhu vanenge vachizvishandira pachavo zvinoita kuti vasazongomirira kupihwa rubatsiro rwunobva kunze.

 

 

Share This:

Sponsored Links