‘Torai zvitunha, hazvina Covid’

30 Jul, 2021 - 16:07 0 Views
‘Torai zvitunha, hazvina Covid’ VaDhire

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHIPATARA cheParirenyatwa Group of Hospitals chiri muguta reHarare chiri kukurudzira veruzhinji vane zvitunha zvehama dzavo zvagarisa kumochari yeko kuti vaende kunotora mitumbi iyi vonoiradzika pane kuti izoguma yavigwa neHurumende kuburikidza nenzira inodaidzwa muchirungu kuti “pauper burial”.

Izvi zvinotevera kuwanda kunonzi kuri kuita mitumbi isiri kutorwa kuchipatara ichi apo hama dzevafi dzinenge dzichitya kuti pamwe vakafa nekuda kwechirwere cheCovid-19.

VaLinos Dhire, avo vanova mutauriri weParirenyatwa Group of Hospitals, vanoti pane mitumbi inokwana gumi nemiviri yakachengetedzwa muimba yerunyararo ikoko kubva musi wa11 Ndira gore rino kusvika 12 Kurume iyo isina kutorwa nehama.
“Sechipatara, tiri kukumbira hama dzevafi vane mitumbi inokwana gumi nemiviri yatakachengeta muimba yedu yerunyararo kuti vauye kuzoitora vonoiviga zvine mutsigo. Kubva musi watakaisa chiziviso ichi, 28 Chikunguru, kukapera mazuva makumi maviri nerimwe chete zvitunha izvi zvichavigwa neHurumende, iya yatinoti muchirungu pauper burial,” vanodaro VaDhire.

Mitumbi iyi inonzi ndeyevanhu vakafa nenzira dzakasiyana dzinosanganisira kupondwa, kutsikwa nedzimotokari, kungowanikwa vakafa nezvimwewo.

Mitumbi yakachengetwa kuchipatara ichi ndeyevanhu vanosanganisira Blessing Sithole asina kupihwa makore ake okuberekwa, Trust Nyamuzvezve (30), Thembelani Ndebele (39), Mutandwa John (80), Joseph Hare (50), Lloyd Sibanda (41) uyewo kune mimwe isina mazita yevarume vashanu nemudzimai mumwe chete.

Mitumbi iyi inosanganisirawo yevanhu vakafira muzvipatara, mimwe yacho yakaendeswa nemapurisa ichibva semuHarare Central, Avondale, Borrowdale, Goromonzi neMarbelreign.

“Hama dzevanhu vane mitumbi yose iyi hapana ari kuzivikanwa saka chikumbiro chedu kuti sechipatara mutibatsirewo zvitunha izvi zvitorwe zvinovigwa. Vanhu ngavasatye kuuya kuzotora mitumbi yehama dzavo sezvo kuine vamwe vava kutiza vakanzwa kuti hama yavo yafa nekuda kweCovid-19.

“Vanhu vane mitumbi yose iyi havana kufa nechirwere ichi, vakafa nedzimwewo nzira.”

VaDhire vanoti kwava nepfungwa netsika yakaipa mune vamwe vanhu vari kuti vanounza hama dzavo dzichirwara, asi vakazonzwa kuti vabatwa nechirwere cheCovid-19, vobva vorega kunovaona.

“Mitumbi iyi haina chekuita neCovid-19, ndeyevanhu vakafa nekuda kwezvirwere zvakasiyana. Vamwe vakatsikwa nemotokari dzotiza, vamwe vaingopunzika uye vamwe vachingonhongwa.

“Kune vane zvavanoda kuziva zvakawanda nekuda kwenyaya iyi ngavaridze nhare dzinoti 0774 252 178 kana 0242-701555-7 kana 0773 220 082 kana 0715 812 561,” vanodaro VaDhire.

Share This:

Sponsored Links