Torarama nemadhiri: Dhemere

23 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Torarama nemadhiri: Dhemere Kudzanayi Dhemere

Kwayedza

Abel Ndooka
MUTAMBI weDynamos FC nemaYoung Warriors, Kudzanayi Dhemere anoti zvakakosha zvikuru kuti vatambi venhabvu vemuno vashandise mari yavanenge vachiwana kubva kumutambo uyu kuti zvigovabatsira mune remangwana apo zvinhu zvinenge zvaoma.

Panguva ino vatambi venhabvu vazhinji vemuno vari kuzhamba nekuti havasi kuwana mari sezvo nhabvu isiri kutambwa zvichitevera kumiswa kwayakamboitwa senzira yekuti vanhu vasaungane nechinangwa chekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Dhemere anoti zvakakosha kuti vatambi venhabvu vaite mamwe mabhindauko akasiyana kwete kumirira kuda kurarama nemutambo uyu.

“Nguva ino yatiri kurarama apo chirwere checoronavirus chauraya vanhu vakawanda pasi rose, ndawana chidzidzo chikuru kuti mari dzatinenge tichiwana kunhabvu ngatidzichengete nemazvo tichitangisawo tumabhindauko uye mabhizimisi nekuti zvinotibatsira mune remangwana.

“Hapana aimbozvitarisira kuti tichasvika patiri nhasi nekuda kwechirwere ichi uye isu vamwe takatorerwa nhabvu iyo inotiraramisa. Saka chave chidzidzo kwatiri kuti ngatishandisei mari dzedu nemazvo zvisazotiomera mune remangwana,” anodaro.

Dhemere, uyo achiri kutanga kurera mhuri yake,  anoti panguva ino ari kutomhanya-mhanya kutenderedza “madhiri” kuti mhuri yake iwane chekudya.

“Izvezvi ndiri kutomhanya-mhanya kuita madhiri akasiyana kuti mhuri iwane chekudya, hazvidi kugarira maoko izvi nekuti unofa nenzara.

“Isu tinoraramiswa nenhabvu manje nhabvu yacho yakamiswa saka hatichawane mari, tave kutotsvaga dzimwe nzira dzekurarama nadzo,” anodaro.

Anoti kumiswa kwenhabvu panguva ino hazvirevi kuti vatambi vanofanirwa kukanganwa nezvemutambo uyu asi kugara vakagadzirira kuitira paunodzoswa.

“Tinofanira kugara takagadzirira nguva dzose nekuti hatizive kuti mutambo uchadzoswa rinhi. Ngatisaregerere miviri yedu, isu kuDeMbare tine zvirongwa zvatakapihwa zvatiri kutevedzera uye tinomboenda paZoom tichiita gadziriro murairidzi wedu achitiudza zvekuita.

“Tine nguva dzatinoziva kuti tichaenda paZoom tiri muzvikwata totanga kuita gadziriro dzedu,” anodaro Dhemere.

Share This:

Sponsored Links