Torres hutu kuJapan

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Torres hutu kuJapan

Kwayedza

AIMBOVE mutambi weAtletico Madrid neLiverpool — Fernando Torres — obuda pachena kuti ari kuenda kuJapan kunotambira Sagan Tosu mwaka unotevera.

Chizvarwa chekuSpain ichi change chichidiwa nezvikwata zvekuUnited States neAustralia, asi akataura nevatori venhau kuti ari kuenda kuAsia.

Torres akazivisa kuti ange achishevedzwa nezvikwata zvakawanda asi akafunga kutevera shamwari yake, Andres Iniesta, kuJapan.

“Ndange ndichidiwa nezvikwata zvekuFrance, Germany nezvimwe zviri muSpain,” anodaro.

“Asi ndange ndisingade kutambira chimwe chikwata chemuEurope ini nekuti ndakawana zvose zvandaida nechikwata changu Atletico.

“Ndichange ndine shamwari yangu futi kuno Andres. Saka tiri kufara tose nemukana uyu wauya kwatiri.”

Iniesta naLukas Podolski vese vanotambira muVissel Kobe uye Sagan Tosu ichange ichisangana navo mumutambo weJ1 League mwaka unotevera.

Torres akabva kuchikwata chake chaakakurira cheAtletico Madrid uko akatamba mitambo 45 ndokuhwina mukombe weEuropa League.

Mutambi uyu akambotambira Liverpool uye ari kuenda kuchikwata icho chakapedza mwaka wadarika chakagara pechisere palog.

“Ndiri kutotanga svondo rinotevera, ndinovimba kuti ndichatanga zvakanaka nechikwata changu chitsva uye ndigotamba mitambo yakawanda nekunwisa,” anodaro Torres.

“Ndinovimba kutanga kutamba musi wa21. Ndinovimba ndichave kuno kwemakore akawanda uye zvichange zvichienderana nekuti ndiri kutamba sei.” — SportsMail Football

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey