Uncategorized

‘Toti suweji apa kune Covid-19’

08 Apr, 2021 - 12:04 0 Views
‘Toti suweji apa  kune Covid-19’ Suweji

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO rinorwira kodzero dzavanhu dzekuwaniswa mvura yakachena, reCommunity Water Alliance (CWA), svondo rapera rakaparura chirongwa chinodaidzwa kuti #TsimbaDzeUtano/InyatheloLokuhlanzeka Campaign munzvimbo yeMabvuku neTafara, muguta reHarare, mushure mekutambira zvinyunyuto kubva kune veruzhinji nedambudziko rekuputika kwepombi dzinofambisa tsvina uye kushaikwa kwemvura ikoko.

Vagari ava vari kushungurudzika zvakanyanya zvichitevera kutushuka kuri kuita suweji munzvimbo dzavagere, kunyanya kuWard 19.

Mamwe mawadhi ane dambudziko iri anosanganisira 20 ne21 kuChizhanje.

Dambudziko resuweji iri ratova nemwedzi yakati kuti risina kugadziriswa zvisinei nekuti veruzhinji veko vari kuti vakaendesa zvichemo zvavo kumahofisi ekanzuru eMabvuku neTafara District Offices.

Kwayedza payakashanyira nzvimbo idzi pamwe nechikwata cheCWA yakadzidza kuti kune nyaya dzakawanda dzezvirwere zvemanyoka zvichikonzerwa nekushaikwa kweutsanana.

“Hatichakwanisa kunyangwe kushandisa zvimbuzi nekuti zvakatozara, chero tikaedza kuzvigojomora tsvina yacho haichafambi. Saka nhunzi dzatova shamwari dzedu.

“Vana vanzwa nemanyoka uye kazhinji kacho tatova kupona nekunoitira tsvina muchibage kana mumasango ari pedyo. Saka tsvina iyoyo inozoyerera ichinopinda zvekare mumatsime anowanisa vanhu mvura yekunwa, ndiko kusaka manyoka asiri kupera muno.

“Pari zvino tatova nematambudziko maviri makuru munyika anoti manyoka kozoti chirwere cheCovid-19 – zvose zvinoda kuti tisimbaradze nyaya dzekutsvinda asi mvura yacho hatina,” vanodaro Mai Tatenda Gumbo vekuMabvuku.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Jesca Chinga vachiti suweji yavashungurudza zvikuru.

“Svondo rapera chairo tine mwana akawira musuweji akanwa tsvina yaivemo akatozonyururwa nevanhu vaipfuura zvekuti angadai akafiramo. Dzimwe nzvimbo dziri muno muMabvuku neTafara dzatova nemakore anodarika matatu dzisina mvura yemupombi zvekuti kana ikatoonekwa ichibuda chinenge chichitori chishamiso. Tiri kupona nemvura dzemumatsime nezvibhorani zvisina kuchengetedzeka.

“Tinotenda vatsigiri vari kutiwanisa mapiritsi ekuisa mvura nekuti tanzwa nemanyoka,” vanodaro.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti vane hurongwa hwekugadzirisa dambudziko iri.

“Dambudziko iroro tiri kuriziva uye tine hurongwa hwekutuma vashandi vedu kuti vanogadzirisa masuweji ari kuyerera muMabvuku neTafara. Gore rino takaita dambudziko rekuwanda kwemvura iro riri kuita kuti nzvimbo dzinosvikira tsvina yesuweji dzizare dzichipedzisira dzava kupfachukira munharaunda,” vanodaro.

VaMichael Chideme

VaChristopher Gohori, avo vanova mukushi wemashoko kuCWA, vanoti vakasvitsa chichemo ichi kukanzuru yeHarare kuti itore matanho.

“Mushure mekuita ongororo yematambudziko ekushaikwa kwemvura uye kutushuka kwemasuweji munzvimbo yeMabvuku neTafara, takaburitsa gwaro rinoratidza hudzamhu hwedambudziko iri, iro tinodaidzwa kuti ‘Burst Birth Certificate’ rinoratidza kubvira pakatanga dambudziko kusvika pazuva rarinozogadziriswa. Izvi zvinoita kuti vemakanzuru vasarare basa uye rinomira seumbowo kana veruzhinji vachinge vachida kuzotora matanho angava ekusungisa kanzuru pakushaya hanya navo,” vanodaro VaGohori.

Vanoti vamwe vagari veko vari kuwaniswawo mvura pachena nechechi yeLater Day Saints iri munzvimbo iyi mushure mekunge yavacherera chibhorani.

Zvichakadai, sangano reCWA rine hurongwa hwekuchera zvibhorani zvakawanda munzvimbo iyi richishanda nevamwe vatsigiri varo pamwe nekuona kuti nyaya dzekutushuka kwesuweji dzagadziriswa nenguva senzira yekuderedza kunyuka kwezvirwere.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey