Tryson aendeswa muchipatara nekudhakwa

16 Jan, 2023 - 16:01 0 Views
Tryson aendeswa muchipatara nekudhakwa Tryson Chimbetu

Kwayedza

Latwell Nyangu

MUIMBI weDendera, Tryson Chimbetu, anogona kurasika gwara zvichitevera nyaya dziri kutenderera dzekuti ari kushandisa zvinodhaka.

Muimbi uyu, uyo aitarisirwa zvikuru paakatanga zvemimhanzi, ave chiseko munharaunda yaanogara nekuda kwemhirizhonga yaanoita uye kutuka amai vake kana nezvinyadzi.

Anonzi akanetsana nehama dzake nemusi weMugovera manheru, vamwe vacho vanin’ina vake, avo vaida kumuendesa kune vanobatsira vane dambudziko rekutora zvinodhaka (rehabilitation) kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals.

Mashoko ari kubuda anoti akarwisana zvemhandamatsimba nehama dzake kwemaawa maviri achiramba kupinda mumotokari.

Vamwe vanoti akasvika pakusungwa netambo asi airamba kupinda mumotokari iyi.

“Airamba kuendeswa kuRehab kuParirenyatwa. Ange ave kufamba nebanga achityisidzira kubaya chero hama yaimushanyira.

“Kunyangwe vakazokwanisa kumuendesa, akarwa nevakoma vake. Ari kuratidza kuti anenge ari kurasika njere nekuda kwezvinodhaka. Ange achigara nemwanakomana wake, asi akanga achiita mhirizhonga. Iye zvino ari kupomera amai vake kuti vakamuroya,” anodaro mumwe anoziva nezvenyaya iyi.

Tryson airamba kuenda kuchipatara musi weMugovera achiti aityira upenyu hwake ikoko.

“Vanoda kundiuraya, bvisai tambo idzi. Sunungurai makumbo, handisi kutiza. Chingondisunungurai, Tindo sunungura makumbo angu. Hapana kwavanoenda, vanozviziva.

“Ndisiye Solo, zvafumuka, ndisiye. Tarirai, ndichafa, hakuna zvakadai, sei musina kuuya nemapurisa?

“Ndikapinda mumota ndinofa, Shingi pinda mukati. Ndinoda kugara ndega, enda unodaidza mapurisa, mapurisa ngaauye. Simba ndirwire, chinhu ichi chiri kuuya, vanoda kundiuraya!

“Ndiri kuchemera iwe Simba, unoziva vanoda kundiuraya, nhasi ndiro zuva racho. Ndanamata nhasi, ndaiziva kuti vanoda kundiuraya,” anodaro Tyson achiramba kupinda mumotokari.

Mumwe anoziva nezvenyaya iyi anoti Tryson akanyatsochenesa imba yake nemusi weMugovera.

“Akakwesha imba yose madziro achiti vanhu vakamuisira mushonga. Kukwesha madziro ose, semunhu ainge akadhakwa.

“Saka vehukama vakamuendesa kuParirenyatwa uko vanoda kuti abatsirwe kwesvondo rose.

“Hanzi ane zvinodhaka zvakawandisa mumuviri wake. Mwana wake akaendeswawo nekuti vanoda kuti atariswewo sezvo aiita sekunge akatodhakwawo.

“Tryson aiti vanhu vakamuisira mushonga kubvira mubhutsu, mumba, muhembe uye aivapomera achivati maSatanists,” anodaro mumwe anoziva nezveyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey