Uncategorized

Tsamba dzeCovid dzoita ‘kubikwa’

10 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
Tsamba dzeCovid dzoita ‘kubikwa’ Inspector Kakohwa

Kwayedza

Munyori weKwayedza
MATSAMBA emanyepo ekuti vanhu vakwanise kudarika pamapurisa munguva ino yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 sezvinodiwa nemutemo anonzi ari kudhindwa uye achitengeserwa vanhu nemari inotangira pa$20 nemamwe makambani anoita zvekudhinda kwaMutare.

Izvi zvinonzi ndizvo zviri kukonzera kuti vanhu vakawanda vapinde mudhorobha iri nechikiribidi.

Ongororo yakaitwa neKwayedza inoratidza kuti kune mamwe makambani ari kuita basa rekudhinda matsamba akafanana neari kupihwa vashandi vemakambani akasiyana.

Pasi pemutemo wekurwisa kupararira kweCovid-19, vashandi vanoita basa rakakosha bedzi ndivo vari kutenderwa kuenda kumabasa pari zvino.

Vanhu vanoita mabasa akakosha aya vanofanirwa kuve nematsamba avanopihwa kwavanoshanda ayo vanoburitsa kana vachinge vaabvunzwa nemapurisa.

Kune vamwe vanhu vanenge vasina matsamba akakwana avo vanopedzisira vapinda muna taisireva mushure mekubatwa nemapurisa.

Mudhorobha reMutare, kune vanhu vaviri vakatosungwa vachipomerwa mhosva yekudhinda matsamba ekufambisa emanyepo vachiatengesera veruzhinji.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Tavhiringwa Kakohwa, vanoti mapurisa ekuchikamu chematikitivha akawana makombiyuta maviri nezvimwe zvinhu zvaishandiswa nevaviri ava kudhinda matsamba emanyepo.

Rutendo Chatambara (31) wekuDangamvura naTafadzwa Phiri (39) anogara kuFern Valley vakasungwa vachipomerwa mhosva yekutyora mutemo weSection 14 (1) weCriminal Law (Codification and Reform Act).

Vaviri ava vakatoendeswa kumatare edzimhosva ndokunzi vabhadhare mari dzebhero uye vachadzoka mudare munguva iri kutevera apo kutongwa kwenyaya yavo kuchaenderera mberi.

Mumwe wevakatengeserwa matsamba emanyepo aya anoti akawana tsamba yake kubva kune imwe kambani inoita basa rekudhinda uye akaudzwa kuti asarudze kambani yaanoda kuti zita rayo rizonyorwa kuti ndiyo yaanoshandira.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey