Tsanangudzo yemadimikira

08 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Ticha danga
NDINOVIMBA kuti makava nenguva yakanaka chose muchiita tsvagurudzo yemibvunzo yatakapa muchikamu chakapfuura apo takaisa madimikira mashanu kuti mugoatsanangudza zvaanoreva. Muchikamu chino tinoda kupa tsanangudzo dzemadimikira iwayo kuti tifananidzewo nezvatakawana mutsvagurudzo tigokwanisa kuita gadziridzo dzedu.

Ngazviregedze kugumira mukutsanangudza chete asi kuti tinofanirwa kuzogona kuvaka zvirevo zvakanyorwa zvakanaka.

Regai tichitarisa tsanangudzo dzemadimikira atakapa. Rekutanga raiva rekuti muto wetsenza mumwechete. Rinoreva kuti vanhu vose vakangofanana sekusikwa kwavakaitwa naNyadenga. Dimikira iri rinonyanyoshandiswa paya panoda kurambana vanhu vakaroorana. Rinogona zvakare kushandiswa paya pane vanhu vanoda kuchiva zvavamwe ivo vaine zvavo.

Kuti shoko inhondo kureva kuti zvinotaurwa navanhu zvakanaka zvinorarama muvanhu zviine pundutso uye kuzvitevedzera kunoburitsa zvibereko zvinoyemurika uye zvinooneka.

Dimikira irori zvakare rinogona kutsiura vaya vanonyeya vamwe richireva kuti mashoko anotaurwa muchivande anozongopedzisira abuda kuruzhinji. Rinobata zvakare panyaya dzekukandirana makobvu namatete apo vanhu vanofanirwa kuyerura mashoko avanotaura nekuti mamwe haazobudi mumoyo memumwe, asi kuti anotokura arimo.

Kana tichiti nhasi makora shiri tinoreva kuti pachagutwa zvakanyanya kunyanya kana pari pamabiko.

Swera kuenda mukwasha wezuva zvinoreva munhu anongoswerotingura kufamba pasina chinofambirwa kana kuitwa.

Kutiza wakabata mhapa noruboshwe idimikira rinotaurwa paya panenge papinda munhu mudambudziko guru rekuti anenge asisazivi kana chekuita.

Munhu anenge ongomhanya asingazivi kwaarikuenda kana pekubata chaipo munhu anenge asina.

Regai tichivhara chikamu chino nemadimikira atisina kubata kumashure. Kurovera zamhu pamuhacha kuita kwemunhu mukuru kwekutsamwa zvekukanganwa chero chipi chakakosha pahupenyu. Munhu anenge aramwa chero nemhuri chaiyo.

Kana vanhu vachiita zvekutungana kwembudzi muchiwaya zvinoreva kuti kuita zvinhu zvisina maturo kana kuita rinenge dambe chairo.

Hapana kwazvinenge zvichienda. Kuita suku nasai kushaya hanya nechinhu kunyanya vana mumhuri. Ndezviya zvekungosiya vana vachiita zvese zvavanenge vachida pasina kana kutsiura.

Share This:

Sponsored Links