Tsaona dzemumigwagwa dzowanda: ZRP

17 Jun, 2022 - 16:06 0 Views
Tsaona dzemumigwagwa dzowanda: ZRP Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vanoti vari kushushikana nekuwanda kuri kuita tsaona dzemumigwagwa inosanganisira weHarare-Bulawayo.

Izvi zvinotevera kufa kwevanhu vaviri munjodzi yemumugwagwa uyu nguva pfupi yadarika.

Tsaona iyi inonzi yakaitika nemusi wa4 Chikumi mangwanani apo rori raityairwa naKudzai Trust Pambayi (36) wekuBorrowdale muguta reHarare rakaroverana neHonda CRV.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti tsaona dziri kuwanda mumugwagwa weHarare-Bulawayo nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kumhanyisa kwevatyairi uye kusatevedza mitemo yekufamba mumigwagwa.

“Patrick Matibiri (42) wekuBarham Green kuBulawayo aityaira Honda CRV paakasvika pachinhambwe che317 kilometre peg. Aiva nemunhu mumwe chete waaiva akatakura apo akatadza kunangisa motokari yake mumugwagwa ndokuenda kudivi remotokari dzaaipesana nadzo.

“Vakabva vanobonderana nerori, mutyairi zvose nemunhu waaiva akatakura vachibva vangofira panzvimbo,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanokurudzira vatyairi vedzimotokari kutevedza mitemo yemumigwagwa nechinangwa chekuti vanhu vasarasikirwe neupenyu.

Mune imwewo nyaya, mapurisa kudunhu raMambo Samambwa kuZhombe vakasunga vanhu vaviri nekuda kwemhosva yavari kupomerwa yekuedza kuponda murume wemakore 29 nekumutema nemabhodhoro uyewo nekumubaya nebanga.

Izvi zvinonzi zvakaitika pazvimbo yeSamambwa Tuckshops nemusi wa12 Chikumi nenguva dza5 zuva rodoka.

“Mumhan’ari munyaya iyi anonzi Learnmore Mwazha (29) wekudunhu raMambo Samambwa. Mwazha anonzi ainwa doro panzvimbo yeSamambwa Tuckshops aina Themba Dube (30). Panguva iyi, Coleen Putse (21) wemubhuku raPutse naMorris Banda (24) vainwawo doro panzvimbo iyi,” vanodaro Insp Mahoko.

Coleen Putse anonzi akatora bhodhoro redoro ndokunorova naro mumusoro maMwazha apo Banda akamubaya mudumbu nebanga nekuda kwenyaya yekunetsana uko vanonzi vakanga vamboita.

“Vaviri ava vanonzi vakazodzivirirwa nevamwe vanhu vainwa doro panzvimbo iyi avo vakazorohwa zvakaomarara neruzhinji nembama nezvibhakera nekutemwa nematombo vakakuvara zvikuru. Vaviri ava, vose naLearnmore Mwazha, vakazoendeswa kuchipatara cheKwekwe uko vairapwa vakachengetedzwa nemapurisa,” vanodaro Insp Mahoko.

Mune imwewo nyaya zvakare, mapurisa ekuMbizo kuKwekwe vari kutsvaga varume vana vanonzi vakarova mumwe murume mubhawa rePhiri Night Club kuMbizo 4 Shopping Centre.

“Nyaya iyi yakaitika nemusi wa13 Chikumi nenguva dza2 mangwanani apo Reason Ncube (30) naRichard Hwinya (24) vekuMbizo vainwa doro mubhawa rePhiri Night Club. Vaviri ava vanonzi vakavingwa nevarume vana vavasingazive ndokutaurirwa kuti vavatengere doro avo vakangovatarisa,” vanodaro Insp Mahoko.

Ncube naHwinya vanonzi vakabva panzvimbo iyi vava kuzvityira upenyu hwavo ndokutiza asi vakateverwa nevarume vana ava.

“Vaviri vevarume ava vanonzi vakavatandanisa ndokunobata Ncube apo mumwe wavo akazomubaya nebanga pamutsipa nepadumbu ndokukuvara zvikuru hura hukabuda pachena.

Vamwe varume vaviri vakadzingirira Richard Hwinya ndokumurova nebhodhoro mumusoro pamhanza akakuvara zvikuru, varume vana ava vakabva vatiza panzvimbo mushure mekupara mhosva iyi,” vanodaro Insp Mahoko.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa ekuMbizo apo Ncube naHwinya vakazoendeswa kuchipatara cheKwekwe uko vari kurapwa.

“Tinokumbira kuruzhinji vanoziva kune varume ava kuti vazivise mapurisa, nhubu idzi dzisungwe uyewo tinokumbira kuruzhinji kuti vagadzirise nyaya dzavo murunyararo pane kurwisana kana kuyananiswa nevamwewo vemunzvimbo dzavanogara,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links