tscz yonanga kumaruwa

17 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
tscz yonanga kumaruwa

Kwayedza

. . . ichidzidzisa nzira dzekudzivirira tsaona

Muchaneta Chimuka —
SANGANO reTraffic Safety Council of Zimbabwe (TSCZ) — richishanda pamwe chete nebazi rinoona nezvekufambisa nekusimudzirwa kwezvivakwa — svondo rapera vakaparura chirongwa chekudzidzisa madzishe, masadunhu nemasabhuku nzira dzekudzivirira tsaona mumigwagwa kumaruwa.

Vachitaura pachiitiko ichi kuBuhera West, kuManicaland, munyori mukuru mubazi rezvekufambisa nekusimudzirwa kwezvivakwa — VaMunesushe Munodawafa — vanoti kuparurwa kwechirongwa ichi kuchabatsira mukuderedza tsaona, zvikuru kumaruwa.

“Tinofara nechirongwa chino chinova chekutanga kupinda mumaruwa tichifundisa vanhu nezvekuipa kwetsaona uye matanho avangatore mukudzidzivirira.

‘‘Vanhu vari kumaruwa vane mikana mikuru yekufamba nzendo vachienda kumaguta saka tinoda kuti tidzivirire tsaona,” vanodaro.

Vanoti Hurumende inoshanda nemadzishe nokudaro yakaona zvakakosha kuti vadzidziswe nzira dzekudzivirira tsaona mumigwagwa kuitira kuti vagozopakurira ruzivo urwu kune veruzhinji.

“Chinhu chese chinofambirana netsika nemagariro kuti chiendeke. Somuenzaniso, makare vanhu vainzi musagare mumigwagwa munoita mamota asi yaive nzira yekudzivirira kuti vasatsikwe nemotokari mumigwagwa.

“Nokudaro takaona zvakakosha kuti tishande nevabati vetsika vari zvakare vatungamiriri vevanhu, imi madzishe nemashabhuku, tichidzidzisana nezvenzira dzekudzivirira tsaona nekuti kunyangwe kumaruwa motokari, mabhasikoro, midhudhudhu nengoro zvawanda,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Zvese izvi zvikasatyairwa nemazvo, zvinokonzeresa tsaona dzinotora upenyu hwevanhu nekusiya vazhinji varemara zvichizopa mutoro mukuru kuHurumende apo vanhu ivavo vanenge vave kuda kuripwa pamwe nekurapwa.”

Vachitaurawo pachiitiko ichi, VaProctor Utete, avo vanove director for operations, research and marketing kuTSCZ, vanoti motokari ipfuma yakanaka asi dzine njodzi kana vanhu vakatyaira vakadhakwa, vasina hanya uye vasina zvitambi.

“Vamwe vanhu vanotyaira vachitotaura panhare kana kuti vari paWhatsApp, vamwe vanenge vachinetsana nemadzimai avo vachityaira. Zvese izvi zvinokanganisa munhu pfungwa dzako.

“Madzishe nemasabhuku vanhu vanoremekedzwa uye tinovimba dzidziso yezvemumigwagwa yatakavapakurira ichasvika kuvanhu. Takaona zvakare kuti vanhu vari kumaruwa vane mikana mikuru yekuzoguma vave kugara mumaguta nekudaro vanofanira kuzopindamo vava neruzivo kuti vasakonzerese tsaona,” vanodaro.

VaMoses Chihuri, vanove sachigaro weTraffic Safety Council of Zimbabwe, vanoti tsaona dzemumigwagwa dziri kuitika kumaruwa dziri kuramba dzichiwanda nekuda kwekushaya ruzivo.

Mumiriri weBuhera West mudare reNational Assembly, Cde Oliver Mandipaka, vanotendawo kufundiswa kwakaita madzishe nemasabhuku nezvenzira dzekudzivirira tsaona mumigwagwa.

“Mumaruwa mavawo nemotokari dzakawanda uye dambudziko remasora ayo akurisa zvekuti vanhu vari kutsikwa apo motokari dzinotadza kuona zviri kumberi.

‘‘ Mombe ndidzo dzimwe dziri kukonzera tsaona apo vafudzi vanenge vachifudzira pedyo nemumigwagwa dzopedzisira dzatsikwa.

“Nekuda kwedzidziso iyi, madzishe nemasabhuku vachanogara pasi nevanhu vavo vachivaudza kuti imhosva kufudzira pedyo nemigwagwa kana kufamba nengoro uri pakati pemugwagwa uchikanganisa mafambiro emotokari,” vanodaro.

Mudzviti weBuhera West, VaWilson Bore, vanoti nyaya yekudzivirira tsaona mumigwagwa ibasa remunhu wese uye inofanira kutangira muzvikoro kuitira kuti vana vakure vachiziva.

Dunhu reBuhera rinoitika tsaona shanu pasvondo, idzo dziri kukonzerwa nekuipa kwemigwagwa, zvipfuyo zvinopoya uye kukundikana kwevatyairi kutevedza mitemo yemumigwagwa.

Sangano reTSCZ rinoti chirongwa chekudzidzisa vatungamiriri vematunhu pamusoro penzira dzekudzivirira tsaona mumigwagwa chichatekeshera kumatunhu ese enyika.

Share This:

Sponsored Links