Uncategorized

TSCZ yopanga veruzhinji mazano

07 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

Ernest Muchena
KUBVA svondo rino, kambani yeTraffic Safety Council of Zimbabwe (TSCZ) ichange ichipanga mazano vose vanoshandisa mugwagwa uye izvi zvichaitwa kuburikidza nezvinyorwa nemifananidzo zvichabuda papeji rino.

Mamiriro TSCZ:

TSCZ ikambani yeHurumende (parastatal) yakaumbwa kuburikidza nemutemo weParamende unonzi “Traffic Safety Council Act Chapter 13.17”.

Sangano iri riri pasi pebazi rezvekufambisa. Pane bhodhi rinoona nemabasa esangano iri zvakare.

Sachigaro webhodhi iri ndaVaN. T. Mawema, Managing Director vari VaObio M Chinyere vachibata naDirector Operations, Research & Marketing VaP. P Utete pamwe naDirector Admin & Finance, VaClifford Gobo.

Basa reTSCZ:

Mutemo weTSCZ Act unojekesa basa resangano reTSCZ. Chekutanga, sangano iri rinonzi rikurudzire kufamba zvakanaka pamugwagwa. Ndiro sangano rinonyora nekutsikisa bhuku rinozi Highway Code.

VeTSCZ ndivozve vane simba rekutaura mashandiro anoita zvikoro zvekutyaira, vadzidzisi vazvo uye madzidzisirwo ekutyaira.

TSCZ inoongorora zvikoro izvozvo nemashandiro azvo uye ine simba rekupfiga zvikoro zvingangoita suku nasai zvisingatevedzi mutemo.

TSCZ yakapuhwa simba rekuona kuti vanoda kuva vatyairi vadzidzei uye vaongororwa sei kuti vapuhwe chitambi chekudzidzirai kutyaira (Provisional Driver’s Licence).

Zvinowanikwa kuTSCZ:

Sangano iri ndiro rine mvumo yekudzidzisa vatyairi vemakombi, vemabhazi, vematekisi, nemagonyeti kudzivirira tsaona. Kosi iyoyi inonzi Defensive Driving Course (DDC). Zvichakadaro, kosi iyoyi inongoitwawo nemutyairi upi zvake sezvo nyaya yekudzivirira tsaona iri yemunhu wose.

KuTSCZ kunotengeswa bhuku remafambiro emumugwagwa – Highway Code – nerimwe rakakoshera mudzidzi wekutyaira, Student Driver’s Handbook.

Mabhuku iwayo anotengeswa nemutengo wakatarwa asi kune nharadada dzinoda kutengesa mabhuku aya mumikoto nemitengo yakapetwa. Ruzhinji rweZimbabwe rwunokurudzirwa kuzvitengera kuTSCZ, kuZimpost kana VID iri pedyo navo. Ngavasiyane nana“Kakara kununa hudya kamwe.”

TSCZ ine humwe hurongwa hwekupima hudzamu hweruzivo rwemutyairi wenyu kana uya ari kutsvaka basa pakambani penyu (driver assessment). Vanotanga vaongorora maziso emutyairi vachishandisa muchina unonzi Driver Vision Testing Machine.

Vagutsikana nemaziso iwayo, vanochienda pamigwagwa vachiongorora matyairiro ake. VeTSCZ vane mahofisi anodzidzisa vana kutasva mabhisikoro. Mahofisi iwayo ari kuBulawayo nemuguta guru reHarare.

TSCZ ine chirongwa chekupinda muzvikoro vachidzidzisa vadzidzi nezvemafambiro akanaka pamugwagwa. Vanopinda muzvikoro vobatsirana nevadzidzisi kufundisa vana kuyambuka nekushandisa mugwagwa. Izvi vanozviita neunyanzvi vachiita mitambo nenziyo nezvimwewo zvakadaro.

VeTSCZ vanodyidzana zvakasimba nemapurisa eZRP, zvikuru sei chikamu cheTraffic Branch. Vanobatana chaizvo pakufamba vachidzidzisa ruzhinji mafambiro akanaka pamugwagwa. Sangano reTSCZ rinonzizve rive chipangamazano kugurukota rinoona nezvekufambiswa kwezvinhu munyika.

Mahofisi:

Mahofisi eTSCZ anowanikwa munzvimbo dzine chitsama munyika yeZimbabwe.

Muzinda:

Muzinda weTSCZ unowanikwa panhamba 4 Park Street muguta reHarare. Ndiko kune hutungamiri hwepamusoro uye zvikamu zveProduct Development & Marketing, cheAudit neFinance & Administration.

Hofisi yemuHarare:

Hofisi yemuHarare inowanikwa panhamba 37 Selous Avenue panosangana mugwagwa iwoyo naFifth Street. Ndiyo hofisi inobata Mashonaland West, East, Central uye Harare neChitungwiza. Nhamba dzenhare dzinoti (04) 703439/705735

Hofisi yekwaMutare:

Hofisi yemuManicaland inowanikwa panhamba 90 Third Street Mutare pedyo nechikoro chevanasikana, cheMutare Girls’ High. Nhamba dzenhare dzinoti (020) 62531.

Hofisi yekuGweru:

Dunhu reMidlands riri pasi pehofisi yedu yemuGweru. TSCZ iri panhamba 77-7th Street. Vanowanikwa panhamba dzenhare (054) 223988.

Hofisi yekuBulawayo:

Matebeleland North and Matabeleland South zvinobatwa nehofisi iri muBulawayo. Hofisi iyi iri panhamba 12 Fort Street pakati pemigwagwa waConnaught Road naMasotsha Ndhlovu. Nhamba dzenhare (09) 66107.

WhatsApp:

TSCZ inokurudzira kuti vose vane zvine chekuita nekufamba zvakanaka pamugwagwa uye mamwewo mazano vatibate paWhatsApp panhamba dzinoti 0716 000 507 chero ipi zvayo nguva.

Svondo rinouya, musoro wenyaya unoti, “Shiri yakangwara inovaka dendere mvura isati yanaya.”

*Ernest Muchena ndimazvikokota wekudzidzisa kudzivirira tsaona pamugwagwa ari zvakare mutauriri weTSCZ. Pamusoro pezvo, ndiProduct Development and Marketing Manager uye anokwanisa kubatika panhamba dzinoti 0772 110 898, WhatsApp 0716 000 507 kana padandemutande rinoti [email protected]

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey