Tsigirai dzidzo: First Lady

12 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Tsigirai dzidzo: First Lady First Lady Amai Mnangagwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUDZIMAI wemutungamiri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa svondo rapera vakaparura chirongwa chekusimudzira dzidzo munyika kuburikidza nekuti muzvikoro muve nezvekushandisa zvakakwana icho chinodaidzwa kuti Zimbabwe Care and Support for Teaching and Learining (CSTL).

Vachitaura pachikoro cheBlackfordby Primary School, chiri kuSouthlea Park, muHarare — apo vakatambidza zvakare midziyo yemaFirst Aid Kits kuzvikoro zvakasiyana — Amai Mnangagwa vanoti zvakakosha kuti patariswe nekugadziriswa matambudziko emuzvikoro kuitira kuti dzidzo ifambe zvakanaka.

Vanoti mamwe ematambudziko ari kuderedza dzidzo munyika anosanganisira hurombo, kushomeka kwekudya nezvimwe zvirwere zvakaita serurindi, malaria, HIV neAIDS, pakati pezvimwe.

“Munhu wose ane basa rekuti ange achibatsira mukusimudzira dzidzo, kusanganisira vadzidzisi, vabereki, masangano akazvimiririra nevamwe. Ndinofara zvikuru nemabasa amunoita nekuti kana akabatanidzwa ose anoumba chisungo chimwe chete chekuti mwana wemuZimbabwe adzidze,” vanodaro.

Vanoti zvinangwa zvechirongwa cheCSTL zvinofambirana nezvesangano ravo reAngel of Hope Foundation iro rine donzvo rekubatsira vanhu vanotambura munyika.

Vanoti dingindira rechirongwa ichi rinoti “Kutsigira kubatana mukurwisa matambudziko” rinoyamura zvikuru kuti pave nemukomberanwa mukusimudzira zvirongwa zvinobatsira vana mudzidzo yavo.

Chirongwa cheCSTL chine zvinangwa gumi nezviviri zvinosanganisira kuti pave nezvekushandisa mudzidzo nekutsigirana munyaya dzebudiriro.

Amai Mnangagwa vanoti kuparura kwavakaita chirongwa ichi kunofambirana nehurongwa hweSADC Policy Framework hwekuona kuti vana vechikoro vakachengetedzeka pamwe nekutsigirwa munyaya dzedzidzo.

Dzimwe nyika dzakaparura chirongwa cherudzi urwu dzinosanganisira South Africa neKingdom of Eswatini, nokudaro Zimbabwe yave kuverengwa munhoondo yerudzi urwu.

Pazuva iri, Amai Mnangagwa vakamema chikoro cheBlackfordby Primary kusanganisira bindu rinorimwa miriwo zvinova zvinobatsira mukusimudzira utano pamwe nekufambisa chirongwa chekupihwa chikafu kuvadzidzi muzvikoro, cheSchool Feeding Programme.

Amai Mnangagwa vanoti midziyo 2 000 yeFirst Aid iyo vakawaniswa kuburikidza nesangano reUnicef, ichabatsira mukufambisa zvinangwa zveCSTL nekuona kuti vadzidzi vabatsirwa nenguva kana vachinge vawirwa netsaona dzinoda kurapwa muzvikoro.

Vachitaurawo, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima vanoti chirongwa cheCSLT chakatanga chichiitwa semuenzaniso muzvikoro 15 zvakasarudzwa uye mushure mekunge chaonekwa chiine budiriro chakazopinzwa muzvimwe zvikoro kuburikidza nekuparurwa kwachakaitwa naAmai Mnangagwa.

“Sebazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, tisu takabata huwandu hwe1/3rd hwevanhu munyika kureva kuti tine vadzidzi vanosvika 4,5 miriyoni nokudaro tinofanira kufambisa zvirongwa zvedzidzo,” vanodaro.

Chirongwa cheCSTL chakavambwa neSADC chikatotambirwa nemakurukota ezvedzidzo enyika dziri mudunhu iri mugore ra2008.

Share This:

Sponsored Links