Tsigirai vechidiki: VP Mohadi

26 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Tsigirai vechidiki: VP Mohadi Vice President Mohadi vachikwazisa Fidelis Katandilo, uyo anova mumwe wevakawaniswa mabhezari nemakambani akasiyana, apo Prof Mavima nevamwe vainge vakatarisa. — Mufananidzo naInnocent Makawa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUTEVEDZERI wemutungamiri wenyika Vice President Kembo Mohadi vanokurudzira vemakambani nemamwe masangano kuti vatsigire vechidiki munyaya dzedzidzo senzira yekusimudzira upfumi hwenyika.

Vakataura mashoko aya svondo rapera paTashinga Sports Club iri kuHighfield, muHarare, pazuva rekuparurwa kwechirongwa cheYoung Achievers Expo icho chichaona vechidiki vakawanda vachipinzwa muzvirongwa zvemabasa emaoko pamwe nekuvamba mabhizimusi avo, zvikuru munyaya dzekurima.

“Tinoda kuti vemakambani vange vachitora vechidiki vachivafundisa kuti vazova vanachamangwiza vemakambani makuru. Zvinotangira kumavambo apo vana vanofanira kudzidziswa gwara nekuziva zvavanozoita muupenyu mushure mekunge vapedza dzidzo yavo. Chirongwa ichi chakanaka zvikuru nekuti chinopa gadziriro kune vechidiki kuti vazive kuti vachazovei mune ramangwana.

“Vechidiki vakakosha zvikuru mubudiriro yenyika pamwe nekumutsiridzwa kwemaindasitiri,” vanodaro.

VP Mohadi vanoti vanofara kuti vechidiki vazhinji havachangomiriri vatsigiri kana Hurumende kuti ivawanise mabasa, asi kuti vave kutoziva zvavanoda kuzoita mushure mekupedza chikoro kuburikidza nekuzvivambira makambani avo.

Vachitaura pagungano rimwe chete iri, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti chirongwa cheYoung Achievers Expo chakakosha zvikuru sezvo chichibatanidza vadzidzi pamwe nevemaindasitiri zvichivapa mikana yekuti vagadzirire kupinda muindasitiri pavanongopedza dzidzo.

“Haisi nyaya yekuti mwana anofanira kutanga kuita dhigirii kuti azowana basa, asi kuti paanongopedza Fomu 4 kana 6, anotofanira kunge ava kutokwanisa kupinda muindasitiri achizvishandira.

“Tinoda kubvisa mweya kana katsika kaye kekuti vana vanoswera vakagara mumabhiriji vakamirira zvitupa zvavo zveFomu 4 kana 6. Tinoda kuti mabasa amuke nenguva tidzinge mweya wehurombe nehumbavha,” vanodaro.

Kuchiti VaMarvellous Chadyiwa – avo vanova mumwe wevatungamiriri vechirongwa cheYoung Achievers Expo – vanokurudzira vechidiki kuti vabatisise mikana inounzwa nechirongwa ichi.

“Ini handina kana kumboita dhigirii asi nekuda kweshungu dzangu, ndatova mukuru wekambani inoona nezvekushanya inodaidzwa kuti Four Faces International uye tinoshanda nevemabhengi tichibatsira mukufambiswa kwezvirongwa zvekushanya kuvadzidzi vanenge vachishanya maringe nezvedzidzo (educational tours) kunyika dziri muAfrica, Europe neAsia pakati pedzimwe.

“Ndinokurudzira vana vechikoro kuti vave neshungu dzekuva vavambi vemaindasitiri pane kungova vashandi vepasi,” anodaro.

Mamwe emakambani akazvipira kubatsira vana anosanganisira Go Digital Zimbabwe iyo yakapa mabhezari kuvadzidzi vashanu vanogona chikoro mumatunhu ose ari gumi munyika.

Gungano iri rakapindwa nevana vemuzvikoro zvakaomberedza Harare uye vamwe vavo vakawaniswa mabhezari ekuti vaenderere mberi nedzidzo yavo muno zvichitevera kuzvipira kwakaita makambani akasiyana mukupa rubatsiro urwu.

Mumwe wevadzidzi vakaita rombo rakanaka ndiFidelis Katandilo ari kuita Fomu 4 paHighfield 2 High uyo akasarudzwa zvichitevera kupfupika kwaakaita pakati pevamwe vose akanzi achabhadharirwa mari yechikoro nekambani yeDelight Africa Group.

Share This:

Sponsored Links