‘Tsigirai zvipo zvevana venyu’

19 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
‘Tsigirai zvipo zvevana venyu’ Elphigio Terence Hwata akabata dambarefu rake rekutanga

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUIMBI wechidiki ari kusimukira mumusambo weJiti — Elphigio Terence Hwata (23) — akabura dambarefu rake rekutanga rinonzi Yorira Ngoma uye anoti vabereki vanofanira kutsigira zvipo zvevana vavo kwete kuzvitarisira pasi.

Hwata, uyo anobva kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava uye ane izwi rakada kufanana neremuimbi ane mukurumbira Jah Prayzah – anoti akatanga kuimba aine makore masere ekuberekwa apo aiwana rutsigiro rwevabereki vake avo vanomubatsira mune zvese zvinodiwa mubasa rake.

“Vabereki vangu havana pfungwa iya yekuti kuimba kune chekuita nehurombe asi vanotonditsigira zvakanyanya zvekuti ndikati chakati chakashota vanomhanya kunotenga saka ndinodada navo. Saka ndinoti zvakakosha kuti vabereki vatsigire zvipo zvevana vavo kwete kuzvitarisira pasi,” anodaro.

Hwata anoti anoimba nziyo dzinopa dzidziso yakasiyana kune veruzhinji.

Dambarefu rake iri rine nziyo nhanhatu dzinoti Kumarimuka, Kamutambiro, Rudo Rwedu, Yarira Ngoma, Mwanangu  naKwirira Mugomo.

“Muna Kumarimuka ndinenge ndichiedza kududza kuti munhu wega-wega ane basa raanoita angava munyika muno kana kunze kwenyika saka anofanira kurikoshesa nekuti ndiro rinenge richimupa chouviri. Somuenzaniso, ini basa rangu randakasarudza kuva muimbi saka ndinotodada naro ndichichema kuti Mwari nevadzimu vanditungamirire ndiwane pundutso,” anodaro.

Hwata anoti mukambo Kamutambiro anenge achiyemura kamutambiro kane zvidavado ako kanoitwa nevanhu vanotamba Jiti.

“Muna Rudo Rwedu ndinenge ndichisimbaradza vanhu vari murudo kuti varambe vakaita chiname setseketsa nejongwe nekuti hazvifadzi kuona rudo rwuchiparara zvisina tsarukano. Murwumbo Yarira Ngoma tinenge tichipembedza kuridzwa kunoitwa ngoma, hosho nemagitare zvinoita kuti mimhanzi inge ichidakadza zvikuru sei Jiti yekumusha kwedu kuDomboshava,” anodaro.

Hwata anoti mukambo Mwanangu anenge achipa dzidziso seinopihwa nevabereki kuvana vavo kuti vave neramangwana rakajeka sekuti vadzidze kuti chavanenge vawana vanofanira kuchibatisisa nekuti midzimu haipi kaviri.

“Bhendi rangu rine chikwata chevanhu vapfumbamwe vanoti madzimai matatu nevarume vatanhatu. Chipo chekuimba chakagara chiri mandiri kubvira ndichiri kudzidza paDomboshava Primary School uko ndaive choir master apo ndaive nemakore masere bedzi ekuzvarwa,” anodaro.

Zvisinei, Hwata anoti mamwe ematambudziko aari kusangana nawo ndeekushaya rutsigiro kubva kumapuromota ezvemimhanzi sezvo vakawanda vavo vachiwanzotsigira vaimbi vane mukurumbira nakare.

“Semuimbi achiri kutanga ndinovimba kuti mafuro manyoro ariko kumberi nekuti ndinoshanda nechikwata chakabatana uye tese tine rudo rwekudzidza,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links