Tsika dzechinyakare

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi  Gunduza—

TSIKA nemagariro epasichigare:

Kana uchiverenga bhuku rinobata mararamiro evanhu muchinyakare, unofanira kugara uchiziva zvinhu zvavaiita zvinoita kuti rungano rwacho rwunzi rwunoenderana nenguva iyoyo. Zvinodaro nekuti mararamiro atave kuita mazuva ano asiyana zvikuru nemararamiro aiita vanhu vepasichigare. Kuziva zvinongedzo izvi kunokubatsira kuti unzwisise nguva inoitika nyaya zvakare. Zvimwe zvezvinhu zvinobuda muna Manyambiri zvichiratidza nguva iyi ndeizvi;

Pasichigare vanhu vaidyira chikafu mumbiya. Tinonzwa kuti pagungano rekutanga pamuzinda waMambo Njeremavhu nemakurukota avo pavanenge vachitongwa nyaya yemapatya aRufuse, panoenda nhume kunotora Mindya vakadzi vepamuzinda vanotanga kuunza chikafu chaive chakaiswa mumbiya.

Varume vaienda kunovhima vachitsvaga usavi mumasango. Tinonzwa varume vaive padare raShe Njeremavhu vachinyunyuta kuti nyama yavo yakanga yave kupera zvinoonekwa nekudya nyama yetsuro nemhembwe. Vamwe vaiti mhuka hombe dzakanga dzave kunetsa kubata.

Tsika yokuzvarira vana. Muchinyakare maive netsika yekuzvarira vana. Izvi tinozviona kuna Rufuse anoenda kwaMambo Njeremavhu achinovapa mwana mumwe chete pavacheche vake vainge vazvarwa vari mapatya.

Ndizvo zvinoita kuti Paido azoroorwa naNduramo mwana waShe Njeremavhu.

Tinopedzisa svondo rinotevera.

Share This:

Sponsored Links