Tsika, magariro zviri mumutauro

03 Jan, 2020 - 00:01 0 Views

Kwayedza

BEMBERA PADARE

naWedzerai Nhemachema

SVONDO rino, rinova rechinomwe kubva patavamba chikuva chino, tinoda kutarisa mutauro mutsva wave kuwanikwa muvadiki vedu, zvikuru vagere mumadhorobha.

Mutauro unoratidza hunhu nemagariro evanhu munzvimbo dzavagere. Mutauro unobva mumagariro evanhu, naizvozvo vadiki vane mutauriro wavanoita unoratidza magariro avo.

Mumwe mutauro unobuda muhuori huri munzvimbo dzavanogara. Sekuti “ndipewo chebasa”. Uyu mutauro wehuori kana “madhiri”. Izvi zvikaramba zvichitaurwa pavadiki, vechidiki ava vanobata mutauro uyu voukurudzira kusvika watekeshera nenyika.

Zvimwe chetezvo, nemutauro wekumakombi. Vamwe vanopa zita rekuti “hwindi” kuvashandi vemakombi vanodaidzira vanhu kuti vapinde mudzimotokari dzekutakura veruzhinji. Mutauro uyu unotsikidzirwa nenziyo dzinoimbwa nevaimbi dzichiburitsa mutauro uyu zvakare.

Kana vana vadiki vachitamba mumigwagwa nemotokari dzekumahumbwe, vanotevedzera mutauro wemahwindi aya. Kana vakaramba vachiona nekunzwa mutauro wemahwindi, vanokura nemutauro uyu nemaitiro echihwindi kudzamara nyika yose yava nehunhu nemutauro wechihwindi.

Mutauro wedu wechiShona wave kurasika kana kutorerwa nzvimbo nemutauro mutsva wave kubuda mumatauriro edu nemaitiro edu anoenderana nehunhu hutsva hwaveko mumatunhu atigere.

Zvinoitwa pamwe nemapfekero edu anoratidza hunhu hutsva hwave munzvimbo dzatigere munyika yedu hwave kuvandudzwa nemutauro mutsva wave mumumhuri dzedu, mumakambani edu nemunyika yedu. Ukasataura matauriro matsva aya unonzi “wakasara”, uye unosara usina shamwari kana uri wechidiki. Zvoreva kuti kana uchida kutambirwa nevamwe vechidiki ava, unotofanira kuita muitiro wavo, mupfekero wavo pamwe nemutauriro wavo.

CHENJEDZO: Pashoma nepashoma mutauro wedu muZimbabwe wava kurasika, wave kutsiviwa nemutauro mutsva. Isu vabereki, isu vakuru ngatiraramei, ngatipfekei zvinoita kuti tipembedze mutauro wedu nokuti maitiro edu asina kutwasuka anobatwa nekupembedzwa nevadiki vedu tikashamisika kuti zvabva nepi, asi tirisu tasima mbeu yacho muvadiki vedu.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

 

SVONDO rino, rinova rechinomwe kubva patavamba chikuva chino, tinoda kutarisa mutauro mutsva wave kuwanikwa muvadiki vedu, zvikuru vagere mumadhorobha.

Mutauro unoratidza hunhu nemagariro evanhu munzvimbo dzavagere.

Mutauro unobva mumagariro evanhu, naizvozvo vadiki vane mutauriro wavanoita unoratidza magariro avo.

Mumwe mutauro unobuda muhuori huri munzvimbo dzavanogara.

Sekuti “ndipewo chebasa”. Uyu mutauro wehuori kana “madhiri”. Izvi zvikaramba zvichitaurwa pavadiki, vechidiki ava vanobata mutauro uyu voukurudzira kusvika watekeshera nenyika.

Zvimwe chetezvo, nemutauro wekumakombi. Vamwe vanopa zita rekuti “hwindi” kuvashandi vemakombi vanodaidzira vanhu kuti vapinde mudzimotokari dzekutakura veruzhinji. Mutauro uyu unotsikidzirwa nenziyo dzinoimbwa nevaimbi dzichiburitsa mutauro uyu zvakare.

Kana vana vadiki vachitamba mumigwagwa nemotokari dzekumahumbwe, vanotevedzera mutauro wemahwindi aya. Kana vakaramba vachiona nekunzwa mutauro wemahwindi, vanokura nemutauro uyu nemaitiro echihwindi kudzamara nyika yose yava nehunhu nemutauro wechihwindi.

Mutauro wedu wechiShona wave kurasika kana kutorerwa nzvimbo nemutauro mutsva wave kubuda mumatauriro edu nemaitiro edu anoenderana nehunhu hutsva hwaveko mumatunhu atigere.

Zvinoitwa pamwe nemapfekero edu anoratidza hunhu hutsva hwave munzvimbo dzatigere munyika yedu hwave kuvandudzwa nemutauro mutsva wave mumumhuri dzedu, mumakambani edu nemunyika yedu. Ukasataura matauriro matsva aya unonzi “wakasara”, uye unosara usina shamwari kana uri wechidiki. Zvoreva kuti kana uchida kutambirwa nevamwe vechidiki ava, unotofanira kuita muitiro wavo, mupfekero wavo pamwe nemutauriro wavo.

CHENJEDZO: Pashoma nepashoma mutauro wedu muZimbabwe wava kurasika, wave kutsiviwa nemutauro mutsva. Isu vabereki, isu vakuru ngatiraramei, ngatipfekei zvinoita kuti tipembedze mutauro wedu nokuti maitiro edu asina kutwasuka anobatwa nekupembedzwa nevadiki vedu tikashamisika kuti zvabva nepi, asi tirisu tasima mbeu yacho muvadiki vedu.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>