Uncategorized

TSIKA NE‘COVID-19’

31 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
TSIKA NE‘COVID-19’ Dr Mayida

Kwayedza

Kingstone Mapupu

NYANZVI dzezvechivanhu, vatungamiriri vemachechi, pamwechete nemachiremba akadzidzira basa vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vasiyane nedzimwe tsika dzinopesana nezvinodiwa mukurwisa chirwere cheCovid-19.

Izvi zvinotevera nyaya yerimwe vhidhiyo riri kutenderera rinoburitsa mumwe murume achipaumba kupopota vanhu vakaungana paguva paivigwa ambuya vake achiti mutumbi wavo waifanirwa kutanga warara mumba, wozovigwa zuva rechimangwana racho setsika dzechivanhu.

Muvhidhiyo iri, iro nyaya yacho isati yave kuzivikanwa kuti yakaitika kupi, murume uyu anonzwikwa achiti mbuya vake vanofanirwa kumbomira kuvigwa, mutumbi wavo womboendeswa kumba kuti unorara husiku hwose nekuti zvikasadaro vanomumukira ngozi.

Asi zvose izvi zvinoshaya basa sezvo vamwe vanhu vari kubuda pavhidhiyo iri vanoenderera mberi nekuviga mutumbi vachiti murume uyu ane “mweya wetsvina”.

“. . . munoda kundiparira ngozi haikona? Ndimbuya vangu ava, ndimbuya vangu. Hazviite kuti vavigwe nekuti zvine ngozi, vanototanga varara mumba,” murume uyu anodaro vanhu vaungana paguva apa mota ine chitunha imire padivi. Mambo Seke, VaStanley Chimanikire vekuMashonaland East vanoti dzimwe tsika dzinofanirwa kusandurwa, zvikuru idzo dzinopesana nekurwisana nezvirwere zvinosanganisira Covid-19.

“Hakuna mitemo isingasandurwe zvichifambirana nematambudziko atinenge tasangana nawo. Pakauya HIV neAIDS neCholera nezvimwewo zvakakonzera kusandurwa kwemitemo yakawanda pachivanhu. Mimwe mitumbi inouya yakaputirwa nemapepa zvekuti hakuitwe ‘body viewing’ wani? Izvozvi zvekuti mitumbi isarare mudzimba tinozvitsigira isu semadzishe senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19,” vanodaro Mambo Seke.

Murume aipopota paguva paivigwa ambuya vake achiti hazvaiita kuti vavigwe vasina kumborara mumba

Dr Enock Mayida, avo vanova chamangwiza wechipatara cheChitungwiza Central Hospital vanoti idanho rakachenjera zvikuru kuti vanhu vakurumidze kuviga mitumbi yevafi vavo pane kuvachengeta kwemazuva.

Vanoti hazvina zvazvinobatsira kuti vanhu vachengetedze mitumbi yevashakabvu sezvo kuramba vanhu vakaungana zvichipa mikana mikuru yekutapurirana Covid-19.

“Isu semachiremba kana kuti nyanzvi dzezveutano tinoti kana munhu afa vehukama ngatikurumidzei kuviga mutumbi kwete zvekurara takaurindira. Nyika yedu haisati yava nemichina inokwanirana yekuona kuti munhu afa neCovid-19 saka afa ngativigei ipapo pasina kupedza nguva.

“Izvi zvinotipa mikana yekuchengetedza utsanana uyewo tisaite chitsokotsoko, togeza maoko nemvura inochuchuruka nesipo tichizora masanitisers. Tisabatane maoko zvakare,” vanodaro Dr Mayida.

Vanoenderera mberi vachiti, “Hapana chatinobva pakuviga mitumbi yevafi vedu zuva iroro kuti tichengetedze utano. Vacho vanobva kunze vari vapenyu vanombochengetedzwa wani vachiongororwa kuti havana here hutachiona hwedenda iri.”

Vanoyambira vanhu kuti vasiyane netsika yekugezesa mitumbi yevafi vavo.

“Mitumbi yehama dzedu ngaiongororwe nemachiremba kuti vashaika nei uyewo yogezeswa nenyanzvi kwete toga. Kumamisha dzimwe nguva hatizive kuti munhu afa nei, saka ngatikasikei kuviga mitumbi,” vanodaro Dr Mayida.

Kuchiti Pastor Hazvinei Muchefa vechechi yeRedeemed Christian Fellowship Ministry (RECFEM) vanoti dzimwe tsika dzinogona kusandurwa nekuda kwezvinosanganikwa nazvo panguva iyoyo.

“Kuvigwa kwemitumbi nekukasika inyaya yakanaka zvikuru nekuda kwematanho ari kutorwa munyaya dzekurwisa Covid-19 saka hapana chakamboipa apa,” vanodaro Pastor Muchefa.

VaPatrick Kapfunde (52) kana kuti Sekuru Bhaureni vanobva kwaMadondo, kuMt Darwin vanoti hakuna chivanhu chisingasandurwe zvichienderana nemamiriro ezvinhu.

“Isu tinotungamirira chivanhu pamwe chete nemadzishe kana paine zvinoda kuti tsika dzisandurwe. Zvekuti mitumbi isarare mudzimba zvakanaka zvikuru kana tichitarisa denda ranetsa reCovid-19,” vanodaro Sekuru Bhaureni.

Share This:

Sponsored Links