Tsika nekuvigwa kwevafa neCovid

19 Jan, 2021 - 09:01 0 Views
Tsika nekuvigwa  kwevafa neCovid Sekuru Chishanyu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vari kupa mafungiro avo akasiyana zvichitevera danho rakatorwa neHurumende rekuti vanhu vanenge vashaya nekuda kwechirwere cheCovid-19 vavigirwe munharaunda dzavanenge vafira senzira yekuderedza kutekeshera kwedenda iri.

Kwayedza svondo rino inoita hurukuro nevanhu vemazera akasiyana avo vanopa mafungiro avo.

“Semaonero angu, hazvina kushata kuti vavigwe munzvimbo dzavanenge vafira nekuti chirwere ichi chiri kuuraya uye chinonzi chinofamba nemumhepo saka chinoda kudzivirirwa zvakanyanya. Hatingade kuita tsika iya yekuona zvitunha kana isu vasara vari vapenyu zvichiita kuti tizofawo, kutombozvimira,” vanodaro Mai Lionel Shumba vekuChitungwiza.

Vanoenderera mberi: “Pafungei kuti chitunha chinonzi chine hutachiona semuenzaniso, munogona kuhaya motokari yaMuseyamwa motakura muchienda nacho kumusha kunochiviga, vanozokwanisa here kufirita motokari inenge yachitakura uye kuona kuti vanhu vaperekedza chitunha havana kuwanda uye vakadzivirirwa?”

Duniwe Mapfunde anoti haana basa netsika yekuona chitunha, asi anoda kuvigwa kumusha kwake.

“Kuonekedzana nemufi hakuna basa asi asi nyaya iri pakuvigwa kwandafira. Ndinenge ndiri roja kuGweru ndichishandako uye hakuna hama ikoko. Munhu ofa neCovid-19 zvonzi vigwako?

“Munhu anovigwa nevatorwa vakadai sevashandi vemakanzuru nekuti hama hadzisi kutenderwa kufamba. Seni zvangu ndoda kuvigwa kune hama dzangu, kune rukuvhute rwangu.

“Kuona chitunha regai zvenyu asi munhu ngaavigwe kwakakodzera hama dzikwanise kuonawo paavigwa uye dzirerukirwe pakuisa dombo nekuti makuva ekanzuru nemamwe akazvimiririra ane mitemo,” anodaro.

Amanda Samadza anoti haana sarudzo asi kuti chakakosha kuvigwa bedzi.

Fabbie Maramwidzi anotiwo dambudziko rekushaikwa kwemari zvichitevera kuderera kwakaita upfumi hwenyika apo vanhu vasiri kuenda kumabasa nekuda kwechirwere cheCovid-19 rinogona kuita kuti vazhinji vakundikane kutenga mhando dzemabhokisi (tripple coffin) anodiwa kuti munhu akwanise kunovigwa kure nekwaafira.

“Nyaya dzehuwori tiri kuona dzichizowanda apo vanhu vachagadzira mabhokisi emanyepo kuitira bedzi kuti vakwanise kuenda nechitunha kwavanoda sekumusha. Kana Hurumende ikasaita ongororo yakasimba panyaya yemabhokisi iwaya, vanhu vachanovigwa kumamisha chirwere ichi choramba chichipararira,” anodaro.

Kuchiti VaTawanda Mataruse vekuBudiriro, muHarare vanoti vapfumi bedzi vanenge vafa neCovid-19 ndivo vachanovigwa kumisha yavo apo varombo vachiendeswa kumarinda emunharaunda dzavafira nekuti mari inodiwa pakutenga ma”triple coffin” aya yakawandisa.

“Zvipoko zvichawanda nekuti vanhu vari kungovigwa nevatorwa vasingazive tsika nemagariwo nekuti rudzi nerudzi rwune mavigirwo arwo, kureva kuti kuuya kwechirwere cheCovid-19 kwauraya tsika nemagariro emarudzi.

“Kare taiziva mufi achiremekedzwa kupinda vanhu vapenyu, asi iko zvino kungoona pamavhidhiyo kuti munhu avigwa seizvi, zvinorwadza. Ndinoona nyika ichizoda kuchenurwa mumakore achapera chirwere ichi,” vanodaro.

Nyanzvi munyaya dzechivanhu vari zvekare mutungamiriri wesangano reZimbabwe National Practitioner’s Association (ZINIPA), Sekuru Friday Chisanyu vanoti vanhu ngavatevedzere zvinodiwa neHurumende nekuti mitemo iyoyo iripo kuchengetedza upenyu hwavo.

“Hongu, tine tsika nemagariro izvo tinoita sevemachechi kana vechivanhu kuhama dzedu dzinenge dzashaya. Asi munguva ino yechirwere cheCovid-19, tinombodzisendeka padivi toita zviripo nekuti hazvibatsiri kuti tirasikirwe neupenyu nekuda kwetsika,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links