‘Tsika yekunyarana yapindwa nehonye’

03 Sep, 2022 - 13:09 0 Views
‘Tsika yekunyarana yapindwa nehonye’ Mbuya Shoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

PATSIKA dzechivanhu, kubva pasichigare, pane hukama hwevanhu vanove vanyarikani avo vanotarisirwa kuremekedzana nekunyarana nguva dzose.

Vanhu ivava vanoremekedzana zvekuti hapana kutyora tsika dzekunyarana kana dai  afarise zverudzi rwupi.

Asi tsika dzekunyarana dzinoita sedziri kuenda dzichipera muvamwe vanhu zvekuti hazvichashamisa kunzwa kuti mukuwasha naambuya kana muroora navatezvara vave kutofarirana zviya zvekusvika “pakutobuda musaga”.

Mbuya Sikhonzaphi Shoko (64) vekuChitungwiza vanoti pamararamiro evanhu vatema, kune tsika dzinotevedzwa pakati pevanyarikani dzinoita kuti hukama hwavo hurambe huine rukudzo.

“Tine vanyarikani vakaita semukuwasha naambuya uye tezvara nemuroora, vanamukurungayi vatinoti vanasevere, varamu nehumwe hukama hunofanirwa kunge vanhu vachinyarikana. Kusimbisa kunyarikana uku tinofanirwa kutevedza tsika dzedu dzechivanhu zvakaita senzira dzekumhoresana, magariro nezvimwe,” vanodaro Mbuya Shoko.

Vanoti mukuwasha naambuya uye tezvara nemuroora havafanirwe kutamba vose kana kuita jee.

“Mukuwasha naambuya havafanirwe kubatana mawoko pakumhoresana, zvikuru ambuya mudzimai watsano hanzvadzi yemudzimai. Kunyangwe ivo amai vemudzimai zvinofanirwa kuti mumhoresane paine chinhambwe pakati penyu.

“Zvino mazuva ano tava kuona vamwe vava kutogumhana matundundu, kuye kunonzi kuhagana. Izvi hazvibvumidzwe,” vanodaro.

Mbuya Shoko vanoti zvimwe chete navatezvara nemuroora, vanofanirwa kuremekedzana vorega kuita nguva yakareba vagere panzvimbo imwe chete uyewo vanofanirwa kutaramukana pose pavanoonana.

“Tinoona vanyarikani ava mazuva ano vakagara muimba imwe chete yekutandarira vachiona zvivhitivhiti nekuita nyaya. Kune zvinyadzi zvinobuda pamifananidzo iriko mazuva ano wotoona vanhu vachiseka vose, munozonyarana sei imi muchiona vanhu vasina kupfeka muri pamwe chete?”

Mbuya Shoko vanoti muroora navamwene havafanirwe kujairirana uye muroora anofanirwa kupfugama kana asvika pana vamwene vake kuratidza rukudzo.

Vanotaurawo pamusoro penyaya dzava kubuda mazuva ano dzevakuwasha vanopfimba vanaambuya nemadzitezvara anodanana nevaroora vachiti dzinoratidza kurasika kwetsika dzechivanhu.

“Hazvina mhosva kuti kungava kuBinga, kwaMutare, kuMhondoro, kuMt Darwin kana kupi, kune chivanhu chinoita kuti vanhu vatema varemekedzwe. Mapfekero chaiwo anotsigirana nechivanhu. Ndingawanikwe here ndakapfeka karokwe kana katarauzi kanoti mbambamba pana vatezvara kana vamwene? Dzimwe tsika dzekunze dzinotirasisa.”

Mbuya Shoko vanokurudzira madzishe nemasabhuku kuisa mitemo yemapfekero akanaka mumisha yavo kuti chivanhu chitevedzerwe.

“Nyaya yekugara tose mudzimba dzedu dzemuchirungu inoita kuti tigare tichionana mazuva ose, vamwe vanyarikani vachitonwa vose doro zvekuraradza. Hazvinei izvozvo, ngatirambei tichikudzana uye ivo vanasikana nevanakomana ngavakudze vakuru vavo.

“Tine dzimwe nyaya dzekunzi mwanasikana ari kurara nababa vake vekumubereka, zvinotangira kupiko izvozvo?

“Kune marudzi ekunyika dzemhiri vanotanga voga vanasikana vavo, muno tinongonzwa nemakuhwa kuti kune kwazvaiitwa kare, asi kwete iye zvino,” vanodaro.

Vanoti chiramu hazvireve kuti unofanirwa kuita munin’ina wemukadzi wako mudzimai.

“Ngatizivei panogumira chiramu nekuti tiri kunzwa vamwe vava kunzi vakabata varamu chibharo. Remekedza babamudiki vako naamainini kunyangwe babamukuru naamaiguru.

“Kutsvaga rudo kuna amaiguru mukoma varipo, ndicho chiiko? Kana mumwe afa hongu zvinogona kuitika, tsika dzedu dzakapfuma chaizvo.”

Mbuya Shoko vanoti munyika mazara nyaya dzemakunakuna nekuda kwekusatevedza tsika dzechivanhu.
Vanoti chirungu chakauya nechirungurira izvo zvave kuona vamwe varoora vachifamba pachivanze pana vatezvara vakapfeka hembe dzinosiya guvhu panze idzo dzinozivikanwa nekuti “guvhu out”.

“Vamwe vanhu tava kuda kurarama semhuka, ngatitevedzei tsika dzedu dzechivanhu dzakapfuma dzichitipa chiremerera.

Zvinonyadzisa kunzwa kuti mwanasikana ava kudanana nababa, atorera amai murume wavo,” vanodaro Mbuya Shoko.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinoti mapurisa nemadzishe nevamwe vatungamiri shandai pamwe chete mupedze honye yauraya tsika dzechivanhu iyi.”

Share This:

Sponsored Links