Tsika yekurasirira

20 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Tsika yekurasirira Sekuru Mutanga

Kwayedza

Kingstone Mapupu

“DAMBUDZIKO rako iri muzukuru — rekurambwa nevakadzi — rushambwa chairwo. Iye zvino vava vangani avo vanongouya vachikutiza, vamwe vanotokutya kana ukavakanda shoko rerudo mumugwagwa umo.

Zvinotopera bedzi nekurasirira pamhararano —mari kana nehuku inenge iine mhiko dzemishonga yangu.”

Aya mashoko aiudzwa mumwe murume wemuHarare neimwe n’anga apo aitsvaga rubatsiro mushure mukutora vakadzi vanosvika vashanu asi vachingopedzisira vamuramba.

Nyaya dzekurasirira zvinhu zvakasiyana sezvipfuyo nemari pamhararano dzinonzi dzakabvira kare dzichiitwa.

Mhararano inzvimbo iri pakati panosangana nzira kana migwagwa.

Zvinonzi kana chinhu chikarasirirwa kana kusiya chaiswa ipapo, anochinhonga ndiye anobva atakurana nematambudziko euya anenge achiisapo.

Svondo rino Kwayedza inoita ongororo yenyaya iyi ndokuita hurukuro nenyanzvi dzezvechivanhu.

Sekuru Elisha Mutanga vemuHarare vanoti tsika yekurasirira yakagara iriko kubva nakare asi kune vamwe vave kuzviita nenzira yekutsaudzira.

“Kurasirira nedzimwe nzira tinoti kuteya vamwe vanhu nechinhu chausisade, iwe wonochirasirira pangava pamhararano, musango, kuchiturika pamombe, mbudzi, hwai kana huku kana kunokanda mari mumugwagwa.

Zvose izvi zvinoitwa nemishonga apo dambudziko rako unoriisa ipapo.

“Uya anozotora kana kunhonga chinhu charasirirwa semari yakateketerwa, ndiye anotakurana nazvo – kana huri hurombe anobva atovawo rombe,” vanodaro.

Vanoti zvinhu zvinotandidzirwa zvinosanganisira matambudziko ose semunyama ipi zvayo, kushaya mabasa, kurasa huroyi, kubvisa mashavi ehumbavha, hurombe, ngozi nezvikwambo.

“Unoona mari yakasungirirwa pangava pambudzi kana pahuku paine machira matsvuku nechuma. Zvitsinga chaizvo zvinorasirirwa, mari inodonhedzwa mumugwagwa iwe wosvikoinhonga, kana kutora zvipfuyo izvi – unenge watotakurana nazvo,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Machira anonziwo anosungirirwa mumiti semihacha kana kuiswa mumapako sekurasirira.

“Mhararano inzvimbo inosangana migwagwa ingava miviri kana mitatu. Kubva kare, ndiyo nzvimbo inotambirwa kana kusangana varoyi vave kutanga mabasa avo, ndipozve pavanoonekedzana kana kuparadzana vodzokera kudzimba dzavo.

“Saka ndipo panosiiwa zvose zvakaipa nekuziva kuti panodarika nevanhu vakawanda. Ukasiya mari waiteketera, haitore nguva, inotorwa ipapo ipapo. Kana zvipotswa zvinoteewa ipapo zvakare. Saka zvichinzwa zvichinzi musatsike pamhararano,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Vanoti nyaya dzekurasirira dzave kuitwawo nen’anga nemaporofita vanotsaudzira.

“Zvimwe zvave kuitwa kutyora kodzero dzevanhu zvose nezvipfuyo. Munoona huku yakaremedzwa chuma nemachira kana mbudzi yakasungirirwa danda kana kubaiwa nebanga.

Zvakadaro, munhu anogona kuzouraya ingava huku kana mbudzi kana kunhonga mari yarasirirwa anotakurana nazvo kana kutorana nengozi yacho.

“Senguva ino yeKirisimasi, tinoti zvekungonhonga izvi ngatisiyanei nazvo nekuti tinotorana nezvisiri zvedu.”
Sekuru Mutanga vanoenderera mberi: “Chipfambi chedzinza chaicho chinobva kumadzitete akafa asina kuroorwa chinorasirirwa pamhararano kana pamhuka.

Iwe ukanhonga mari yaiswa mweya uyu zvatova zvako, unotoona wava kupinda mumabasa aya woshaya kuti zvabva nepi.”

Vanoti miti yakapfumvura, zvikuru musango munhu akasvika achigarapo achiyemura bvute anogona kutorana nemweya inenge yakateketerwapo.

Vanoti zvakare pahukama, vanhu vanorasirana zvikuru apo hama dzinorasirira mazita edzimwe hama pamombe kuti vasawane chavanoita chinobudirira.

“Zvimwe zvirwere zvanhasi zvingava zvemakumbo, misana, maziso nezvipotswa zvakaita zvekurasirirwa,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Vanotizve mbatya dzekungopihwa nehama kana neshamwari dzinofanirwa kungwarirwa sezvo dzimwe dzinenge dzakatandirwa mweya yakaipa.

Votaurawo nezvenyaya iyi, Prophet Sham Hungwe vemuHarare vanoti kurasirira handiko kupedza dambudziko asi vanhu vanofanirwa kunamatirwa.

“Ukanzwa muporofita kana n’anga ichiti hendei tinorasirira dambudziko rako pahuku kana pambudzi kana pamhararano, ziva kuti nhema dziya dzatanga. Mweya unorairwa uchienda nehurwere huchitama. Vanhu vanoita izvi vari kusvibisa masango edu, kutambudza zvipfuyo nekurasa mari iri kunetsa kuwana iyi.

“Bazi rezvemhuka ngarisunge vanowanikwa vachitambudza zvisikwa ava,” vanodaro Prophet Hungwe.

Ndaizivei Phillipa Mukucha kana kuti Gogo Shava (32) vekuChitungwiza – avo kumusha vanobva kwaRusape – vanoshora tsika yekurasirira vachiti zvinokuvadzisa vanhu vasina mhosva.

“Masango asviba nezvinhu zvinorasirwamo, angava machira nehari. Zvipfuyo zviri kutambudzwa uye mvura yasvibiswa munova munogara njuzu. Saka muri kuona njuzu dzave kugara dzichitora vanhu, hadzidi machira matsvuku ari kuiswa mumvura aya,” vanodaro.

Vanoti sadza rezviyo nemachira zviri kuonekwa zvakaiswa pamiti yemihacha.

“Zvave kukonzera madziva nemadhamu kupwa uyewo mvura yave kuuya nehasha. Maporofita nen’anga vanoita izvi tinoti vasiyane nazvo,” vanodaro Gogo Shava.

Madzibaba Mashunya, VaHonest Mafa (30) vekuZvishavane vanoshora nyaya dzekurasirira.

“Ariko maporofita nen’anga vanoita izvi, kurasirira pamhararano nekuisa mweya pahuku kana pane dzimwe mhuka. Ngatirapei tichibvisa mhepo dzakaipa nekuporesa zvirwere, vane ngozi toita kuti vanoripa, zvekurasirira bodo tinotambudza vanhu vasina mhosva,” vanodaro Madzibaba Mashunya.

Share This:

Sponsored Links