Tsikamutanda ikuruku, tsotsi

01 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Tsikamutanda ikuruku, tsotsi

Kwayedza

SVONDO rino tine nyaya inokahadzisa zvikuru, yemuporofita anogara kuHopley, muHarare, uyo anonzi akabatwa nemapurisa aine mukweshwa wenyoka yerudzi rwemhungu mumba make panove pakirawa paanonamatira nekushandira vanhu.

“Kushandira” vanhu!

Muporofita uyu ari kupomerwa mhosva yekuba achishandisa pfuti pamwe chete nevamwe vake vatatu avo vakatosungwawo.

Asi chiri kunyanya kushamisa mashoko akataurwa nemuporofita uyu ekuti ane nyoka dzaanoshandisa semhiko nemimwe mishonga kuti zvimuchengete uye nekupa raki kuvanhu vaanenge “ashandira”.

“Kushandira” vanhu! Muporofita uyu ndiye mumwe chete zvakare akambobuda muKwayedza gore rapera ari n’anga inoita hutsikamutanda apo aiti aishopera nekuchenura parimwe purazi riri kuMarondera ari musvo. “Kushandira” vanhu!

Panyaya yekushandisa kwaanoita nyoka semhiko yekuti munhu awane upfumi, anoti anoenda nenyoka musango onoteketera.

Mushure mezvo, anozoenda kumusha kwemunhu waanenge “achishandira” uko anonoteketera zvakare ozotupfunura nyoka iya kuti ichidzokera mudondo. Sekutaura kwake, murume uyu anoti upenyu hwenyoka yaanenge ateketerera nehwemunhu waashandira zvinenge zvave chinhu chimwe. Izvi zvinoreva kuti panofa nyoka iyi, ndipowo panofa munhu wacho kana kuti munhu achifa, nyokawo ichifa.

Muporofita uyu anoti zvakare ane mhungu nhanhatu idzo anoshandisa mukuita mhiko dzake. Ndipo panouya mubvunzo unoti, “Uku kushandira vanhu here kuri kuitwa nemurume uyu?”

Zvekare, uyu muporofita here kana kuti in’anga?

Matambudziko emunhu opera nekuti “ashandirwa” nenyoka?

Hakuna kushandira kwakadaro. Kuda kupfuma kwakaita sei kunoita kuti munhu asvike kuitirwa mhiko dzerudzi urwu? Munhu anganyatsorara hope dzakanaka here achiziva kuti upenyu hwake hwakaitirwa mhiko nenyoka? Inga Bhaibheri rinotaura kuti munhu anofanira kudya chinobva paziya rake kwete zvekuromba kunova kuzvisikira moto mumaziso. Zvino kana munhu ofa nekuda kwekuti nyoka ine mhiko dzake yafa zvobatsirei? Chivi chinodya mwene wacho, ndizvo zvakafanana nepfuma yekuromba inounza matambudziko makukutu mumhuri. Vanatsikamutanda vari kukonzera nyonga-nyonga muupenyu hwevanhu.

Mhuri inenge yatora tsikamutanda mumusha mayo kazhinji vanosara vapesaniswa nekuda kwekuti pane vamwe vanonangwa huroyi. Ko sei vanatsikamutanda vari kunyanya kubata nyoka apo vanenge vachinyebera kuchenura nzvimbo?

Ko zvimwe zvipuka zvakaita semapere nemazizi zvagara zvichinzi zvinoshandiswa nevaroyi sei zvisiri kubatwa?

Nyoka dziri nyore kuviga mumasaga nemabhegi, kana kuisa muhomwe pane mapere nemazizi.

Nyoka haicheme saka n’anga kana muporofita wenhema anokwanisa kuiviga pakuita mabasa ake akashanda.

Asi kana riri bere kana zizi, unoswera wazivikanwa kuti une chaunacho, vaunenge uchida “kushandira” vobva vaziva kuti uri wenhema.

Share This:

Sponsored Links