‘Tsiva haina chibhanzi’

04 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
‘Tsiva haina chibhanzi’ Kudakwashe ‘Kudah’ Chivandire

Kwayedza

Abel Ndooka
MUTAMBI wetsiva wechidzimai Kudakwashe ‘Kudah’ Chivandire anoti mutambo uyu hausi kumubhadhara zvachose zvekuti ari kufunga kumbousiya ozama zvimwe zvekuti araramise mhuri yake.

Kudah – uyo anove shasha yeWomen’s International Boxing Association (WIBA) Inter-Continental Champion – achangobva kukunda Iriya Matoga wekuMalawi mumutambo wehushamwari wakaitirwa kuHarare International Centre (HICC) svondo rapera.

Makwishu aya aive ekutsigira mutambo waCharles Manyuchi uyo akakunda Diego Diaz Gallardo wekuArgentina.

“Chokwadi mutambo uyu hapana zvatiri kuwana, tikapinda mukembi chaimo tichigadzirira kuzorwa hapana chatinopihwa uye tinogaramo kwenguva ndefu chaiyo patinobuda tinopihwa tumari tusingatenge. Ipapo unenge une nguva ndefu wasiya mwana wako uyo anenge achida kuchengetwa.

“Ndinombofunga zvekusiya mutambo uyu uye parizvino nditori pakati pekugadzirisa kuti ndiite zvimwe zvinondipa pundutso muhupenyu hwangu.

“Ndinogona kugadzira musoro wangu, saka ndinogona kutanga bhizimisi rekugadzira musoro ndichiwana mari yekuraramisa ini nemhuri yangu. Pandinenge ndisingarwe ndoziva kuti ndine zvandinenge ndichiita zvinenge zvichindipa mari,” anodaro Kudah.

Kubva achitanga kuita zvetsiva, Kudah akwanisa kurwa mitambo mitanhatu ndokuhwina mina uye akakundwa miviri chete.

“Chishuvo changu kuti ndiraramise mwanasikana wangu uyo ane makore maviri ekuberekwa. Pandinoenda kunotamba tsiva ndotarisira kuti ndigodzoka ndine mari chaiyo inotenga yekuti ndigomutengera zvose zvaanoda.

“Asi manje ndanzwa nekuvimbiswa zvinhu zvakawanda asi hapana kana chiri kumbozadzikiswa pazvose,” anodaro Kudah.

Anoti murume wake – uyo anomutsigira zvikuru mumutambo uyu – ndiye anombosara achichengeta mwana wavo apo paanoenda kunotamba tsiva.

“Ndinotenda murume wangu nerutsigiro rwaanondipa, anoziva kuti ndine chido netsiva uye anonditsigira zvikuru,” anodaro.

Zvakadai, nhengo yeZimbabwe Boxing Board of Control, Thomas Kambuyi, anoti nyaya dzekubhadharana mari pakati pevatambi vetsiva nemamaneja avo dzinonetsa kupindira nekuti ivo sesangano havazive zvinenge zvakavimbisana mativi maviri aya.

“Chandingataure ini ndakazvimirira hangu ndechekuti mutambi uyu anofanirwa kugara pasi nemamaneja ake votaurirana kuti vagodzirisana sei zvavainge vakavimbisana. Isu ipapo hatikwanise kupindira sezvo takange tisipo vachiwirirana uye hatizive kuti vakavimbisana zvipi.

“Kutaura chokwadi hupenyu iye zvino hwaoma, mabhizimisi haasi kufamba zvakanaka uye isu vari mune zvemitambo zvakatikakatawo zvakare, mitambo yese iri kuchema kwete tsiva yoga,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>