Tsiva yakandidzidzisa kuzvibata: Makumbe

17 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Tsiva yakandidzidzisa kuzvibata: Makumbe Diana Makumbe

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa mutsiva yechidzimai, Diana Makumbe, anoti mutambo uyu wakamubatsira chaizvo kuti akwanise kuchengeta amai vake nevekumhuri yavo mushure mekunge akundikana kuchikoro.

Makumbe, uyo parizvino ave muridzi wepembe najudge wetsiva, mumwe weshasha dzechidzimai dzakaita mukurumbira munyika muno izvo zvakamuona achihwina mitambo 23 achikundwa mumwechete muboka reAmateur.

Asi, paakazoenda padanho repamusoro reProfessional akakwanisa kuhwina mitambo mitatu chete pa15 yaakatamba ndokukundwa mipfumbamwe, achiita mangange katatu.

Pakukura kwake, Makumbe aive nembiri yekumhanya mumakwikwi emujaho zvekuti anoti vamwe vanhu vaimukurudzira kuti aende kuchiuto.

Anoti paakakundikana bvunzo dzake dzeO-Level, ndipo paakatanga kutamba tsiva ndokuzoenda kuArmy School Sports uko akanotamba tsiva zvakare achiedza kuti zvimwe angagone kupinda basa rehusoja.

“Ndichikura, ndaida chaizvo kuita musoja nekuti ndakakura ndiri shasha pamujaho wekumhanya uye vanhu vaindiona vaitoti kwandiri kana wakura enda kuchisoja unogona kupinda basa saka ndaida chaizvo kuita musoja.

“Zvose zvakazoshanduka pandisina kubuda zvakanaka pabvunzo dzangu izvo zvakazondituma kuti nditange kukwikwidza mutsiva.

“Mutambo uyu wakandibatsira chaizvo nekuti ndakange ndave kukwanisa kuchengeta amai vangu uye nevekumhuri kwavanobva,” anodaro.

Makumbe anoti paakange ave kukwikwidza pachidanho cheProfessional, akasangana nezvakawanda zvinosanganisira kubirirwa achinzi akundwa mumutambo asi iye ahwinha izvo zvakaita kuti asvike pakuramwa kutamba tsiva.

Mutambo wake wekupedzisira waive mugore ra2016 paakasangana naEllen Simwaka wekuMalawi apo akakundwa.

Anoti tsiva yakamudzidzisa kuzvibata muhupenyu hwake izvo nanhasi zvinomubatsira pane zvose zvaanoita.

“Tsiva izere nekubirira uye unobirirwa kuti ukundwe zvigobatsira kugadzira zita remumwe mutambi uyo mapuromota vanenge vachida kuti asimukire.

“Saka ini ndizvo zvimwe zvakandituma kuti ndichisiya tsiva nekuti ndakange ndaneta kubirirwa apa unenge uchipihwa mari isingatenge futi,” anodaro Makumbe.

Anoti basa rake semuridzi wepembe najudge wetsiva riri kumuona achienda kune dzimwe nyika dzakaita seZambia achinoridza kumitambo yeko.

MuZimbabwe, Makumbe aridza pembe pamwe nekuve judge pamitambo yevatambi vetsiva vakasiyana vanosanganisira Charles Manyuchi.

Anoti anoda kushandura tsiva pamwe nekusimudzira vatambi vanenge vachibirirwa kuti vasabirirwe.

“Ndave muridzi wepembe uye judge wetsiva saka ndinoda chaizvo kuti ndiridze mutambo uyu zvisina kubirira mukati. Vamwe varidzi vepembe vanobirira vachida kufadza puromota, manje ini handiite izvozvo.

“Saka ndinoona kunge ndizvo zvakatuma vekuZambia kuti vandishevedze kuzoridza pamutambo waEmily Kubwalo wemuno uyo akarwa naCatherine Mulyata wekuZambia munaZvita,” anodaro.

Kubva achisendeka zvekurwa tsiva, Makumbe anoti akapinda zvekare mune zvemhanzi uye ari kuridza musambo wembira nechikwata cheBlack Survivors.

Anoti vanotarisira kuparura dambarefu ravo rekutanga nguva pfupi inotevera.

Makumbe akakomborerwa nemwanasikana ane makore 14 okuberwekwa uyo waanoti ane zvipo zvemitambo yakasiyana uye parizvino anokwikwidza mumujaho nekutamba nhabvu yevasikana.

“Vana havadi kuudzirwa zvekuita. Isu tinofanirwa kuvarakidza gwara chete tichivakurudzira kuita zvese mitambo nekudzidza. Dzidzo ndiyo inofanirwa kuenda pekutanga zvimwe zvese zvozotevera,” anodaro Makumbe.

Share This:

Sponsored Links