Uncategorized

Tsotsi raba ‘coffin’

17 Jan, 2022 - 13:01 0 Views
Tsotsi raba ‘coffin’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VANHU vaimukira kumabasa mambakwedza emusi weChipiri chadarika kwaMakoni, kuChitungwiza vakashamiswa apo vakadhumhana nevarume vaviri vainge vachisunda ngoro yaiva nebhokisi remufi iro rakazozivikanwa kuti vainge variba pane chimwe chitoro chinogadzira mabhokisi evashakabvu munzvimbo iyi.

VaKanhu Chidewu (46) vane chitoro chinogadzira nekutengesa mabhokisi paMakoni ndivo vakabirwa bhokisi iri.

Vanoti nezuro wacho, vakavhara chitoro chavo ndokuisa mamwe mabhokisi mutende yavanogadzirira ndokukiira muchitoro vachibva vaenda kumba.

“Nemusi wa11 Ndira mambakwedza kuma4, ndakazonzwa ndava kuridzirwa nhare nevanhu vanondiziva vachiti mhanyai kuno taona vanhu vaba bhokisi remufi muchitoro chenyu. Pavanhu vaiva vawanikwa vachisundudzira ngoro yaiva nebhokisi kwakazivikanwa anonzi Brucely anogara kuUnit O, kwakare kuChitungwiza uyo ndinozivana naye,” vanodaro VaChidewu.

Varume ava vanonzi vakasangana nevanhu vaimukira kumabasa vachibva vazosiya ngoro nebhokisi ndokutiza mushure mekunge mumwe wavo azivikanwa nevakamuona.

“Murume akazivikanwa anoitawo basa rekuveza muno maMakoni uye anonzi akatanga kuba ngoro yaDhizola ndokuzouya pano pachitoro pangu achiba bhokisi raiva rapera kugadzirwa ndokuritakura nengoro yekuba.

“Vamwe vanotamba nemurume uyu vanoti musi uyu vakanga vaenda pane imwe imba muUnit O apo paiva nerufu vanhu vepo vachitsvaga bhokisi rekuvigira hama yavo iye achibva avaratidza mifananidzo yemabhokisi yaive munhare yake achiti aitengesa rimwe chete neUS$200. Zvinonzi sezvo panhamo iyi paisava nemari, vanhu ava vakazowirirana naye kutengeserwa bhokisi neUS$100 uye neUS$20 yekutakurisa,” vanodaro VaChidewu.

Vanoti murume tsotsi uyu apihwa mari iyi, akazomukira kwaMakoni nemumwe wake vachibva panhamo apo vavanonzi vakarara vachidziya moto nevamwe.

Vakazoba ngoro yemumwewo murume ndokunoba zvakare bhokisi.

“Ndasvika panzvimbo yakasiiwa ngoro yaiva nebhokisi iyi, ndakazongosandudzira ngoro nevamwe tichibva tadzoka pachitoro pangu tikadzosera coffin iri mukati ndokupa muridzi wengoro ngoro yake.

“Inyaya inonyadzisa kuti munhu anoba bhokisi remufi, hazvifambirane nechivanhu uye zvinonyadzisa. Murume uyu anozivikanwa nekudhakwa muno uye tiri kumutsvaga nekuda kwenyaya iyi zvisinei nekuti handina kumhan’ara kumapurisa,” vanodaro VaChidewu.

Vanoenderera mberi vachiti, “Zvinonyadzisa kuti muvige hama yenyu iri mubhokisi rekuba. Vanhu ngatiremekedzei vafi nechivanhu chedu uyewo totya Mwari, tikadaro zvinhu zvakadai hazviitike.”

Vanoti vanhu vakaba coffin iri vakasiya vaitira tsvina panzvimbo yavakaritora muchitoro.

“Tadzoka nebhokisi iri, takazoona kuti nzvimbo yaiva necoffin iri vakasiya vaitira tsvina dzimwe nguva senzira yekuti vasasungwe kana kuti vasazivikanwe,” vanodaro.

VaChidewu vanoti svondo rakapera paseri vakabirwa duri nemutswi uye vanhu vacho vakabatwa vakatoendeswa kumatare edzimhosva.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Tendai Mwanza, vanoyambira vanhu kuti vakurumidze kumhan’ara mhosva vapari vemhosva vosungwa.

“Nyaya iyi haina kusvitswa kwatiri, tinokurudzira vakabirwa ava kumhan’ara nyaya yavo kumapurisa vanhu ava vasungwe,” vanodaro Insp Mwanza.

Kwayedza haina kukwanisa kuona vanhu vekumba kunonzi kwaiva nerufu kana ivo vacho vanonzi ndivo vakaba bhokisi iri avo vachiri kutsvagwa.

VaTatisayi Mutizwa

VaDenford Chamboko (44), mumwe wevakaona varume vaviri vakaba bhokisi iri, vanoti vakamukira kumabasa ndokusangana nevarume vaviri vachisunda ngoro yaiva nebhokisi iri.

“Nekuda kwenguva iyi, zvakatishamisa tichibva tamhanyira kwavaiva mumwe wavo ndokutiza tikaziva akasara wacho (Brucely). Akazotizawo ndokusiya chingoro necoffin ndokubva taziva kuti bhokisi iri raiva raVaChidewu uyewo ngoro tikaona kuti ndeyaDhizola. Ndipo patakazoridzira nhare VaChidewu tikazosunda ngoro kudzosera bhokisi kuchitoro,” vanodaro VaChamboko.

Vanoti vari kushushikana nenyaya dzekubiwa munzvimbo yekwaMakoni uyewo nemakororo avanoti anovigwa mudzimba nevamwe vanhu.

VaTatisayi Steven Mutizwa (49) vekuUnit G kuChitungwiza vanoti nyaya yekubiwa kwebhokisi chishamiso.

“Nyaya iyi inopesana nechivanhu chedu nekutadza kuremekedza vafi. Hazvina kusiyana nekuba chitunha izvi. Vanhu ngavadzidze kuzvishandira,” vanodaro VaMutizwa.

Share This:

Sponsored Links