Tsotsi rakatizira mukamba yemapurisa

28 Sep, 2021 - 16:09 0 Views
Tsotsi rakatizira mukamba yemapurisa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME wekwaSeke, wekuba midziyo paimwe imba iri muRiverside, kuChitungwiza, aigochera pautsi zvichitevera kubatikidzwa kwaakaitwa nemuridzi wemba uye paakazama kutiza akabva amhanyira muchivanze chekamba yemapurisa zvikaita kuti asungwe.

Tafadzwa Murombedzi (28) wekubhuku raChitsvatsva akamiswa pamberi pemutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, VaBrighton Danana, ndokupihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi misere.

Asi akazobvisirwa mwedzi mina pachirango ichi nechitsidzo chekuti haafanire kupara mhosva yerudzi urwu mumakore mashanu anotevera.

Mutongi Danana vakamubvisira zvekare mwedzi mina yainge yasara nechitsidzo chekuti anofanira kunofondoka pasina muripo kwemaawa 140.

Muchuchisi Tracey Karimazondo anoudza dare kuti nemusi wa1 Chikumi gore rino nenguva dza3 masikati, Murombedzi akaenda kumba kwemumhan’ari – Isau Ganda (53) – panhamba 22822 Riverside kuChitungwiza uko akasvikonyepera kugugudza pamusuwo achida kunzwa kuti pamba apa pakanga paine vanhu here.

Paakanzwa kuti hapana munhu adaira, akabva avhura musiwo wekumberi nechisimba ndokupinda achibva atanga kusunungura tangi regasi raiva mumba rine huremu hwe5kg uye kuba wairesi yaivemo zvose zvinokosha $20 000.
Zvisinei, midzimu yake yakadambura mbereko nekuti pose paaiita izvi muridzi wemba akanga ari mubhedhuru make akagara, saka akazofamba achienda kukamuri yaainge ari ndokumubatikidza ari mushishi kuisa tangi regasi riya mumugomo.

“Pandakamubvunza kuti akanga ari kuitei mumba mangu, akabva ati ari kutsvaga murairidzi anofundisa vana zvidzidzo zvekumba. Pasina nguva, akabva atiza achisiya midziyo yaakanga achida kuba.

“Ndakadaidzira veruzhinji kuti vandibatsire kumutandanisa, ndipo paakajamba achipinda mufenzi yepadzimba dzemapurisa munova maakasvikobatwa nemamwe mapurisa aivemo,” anodaro Ganda.

Anoti midziyo yose yaakange abirwa haana kuzorasikirwa nayo sezvo Murombedzi akaisiya achitiza.

Share This:

Sponsored Links