Tsotsi rekumasowe rakaigochera pautsi

22 Oct, 2020 - 09:10 0 Views
Tsotsi rekumasowe rakaigochera pautsi

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MURUME anogara mumusha weMufakose, muguta reHarare, akamiswa mudare reHarare Magistrates Courts achipomerwa mhosva yekuda kuba motokari mbiri dzaive pamasowe apo ainge akapakata zvombo.

Sarez Shonhiwa (53) akamiswa pamberi pemutongi Judith Taruvinga ndokunzi adzoke kudare nemusi wa30 Gumiguru apo anenge ari mutirongo.

Muchuchisi Sebastian Mutizirwa akaudza dare kuti mambakwedza emusi wa15 Gumiguru, Shonhiwa akaenda pamasowe ari panosangana migwagwa Harare Drive naKirkman Road, kuMabelreign apo Simon Munyukwi (20) ainamata nevamwe vake.

Shonhiwa anonzi aive akabata zibanga (machete) ndokubva audza Munyukwi kuti amupe makiyi emotokari mbiri, Mercedes Benz neToyota Corolla, idzo dzaive dzakamiswa pedyo nemugwagwa pamasowe apa asi mumhan’ari akaramba.

Musungwa uyu anonzi akabva ashandisa chisimba ndokuudza Munyukwi nemumwe waainamata naye kuti varare pasi, uye kana vakaramba aizovadambura misoro.

Izvi zvinonzi zvakaita kuti Munyukwi ape Shonhiwa makiyi eBenz.

Apo Shonhiwa aive oenda kwaive kwakamiswa Benz iyi, anonzi akabva atemwa pamuromo nechidhinha naMunyukwi zvikaita kuti awire pasi.

Vamwe vanhu vainamata pamasowe apa vakabva vamhanya kunonunura Munyukwi ndokusunga Shonhiwa uyo wavakazoenda naye kukamba yemapurisa yekuMabelreign.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey