Tsumo nemadimikira namukanya

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Tsumo nemadimikira namukanya

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Ateya mariva murutsva haatyi kusviba magaro.

Kana munhu achinge aiita chimwe chinhu, anofanira kugamuchira zvinhu zvinokonzerwa nekuda kwechinhu ichocho. Kufanana nemunhu ari kuda kubudirira muhupenyu, anotozvipira kuti averenge mabhuku.

“Murutsva” inzvimbo yakaita sei?

. Mhinduro: Inzvimbo ine huswa hwakatsva zvekuti panosara pasina kana pekuhwanda, richingova dota nematsito bedzi.

* * *

Svondo rino:

Rume rimwe harikombi churu.

Tsumo iyi inoreva kuti munhu mumwe chete haagone kuita zvinhu zvese ari oga, anotodawo vamwe vanomubatsira.

Zvekuita: Tipe tupukanana twuviri twunobuda pachuru kana kwanaya?

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey