Tsumo nemadimikira namukanya

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Tsapata rukukwe hazvienzani nokuvata pasi.

Tsumo iyi inoreva kuti chinhu nyangwe chichishoreka, asi kana chiripo zviri nani pane kunge usina chekushandisa zvachose.

Mubvunzo: Chii chinonzi tsapata?

 

. Mhinduro: Tsapata rukukwe/bonde/rupasa rwakasakara zvekuti harwunyatsovhara pasi zvakanaka.

* * *

Svondo rino:

Mviromviro yemhanza mapfeka.

Munhu ane mhanza haana kungomuka ave nemhanza. Zvimwechetewo nezvimwe zvinhu zvidiki zvinogona kupedzisira zvave chinhu chikuru, zvinenge zvakatanga zviri zvidiki.

Tsumo iyi yakafanana neyekuti, “Kamoto kamberevere kakapisa matanda mberi.”

Mubvunzo: Izwi rekuti “mhanza” idimikira rinoreva kuti chii?

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links