Tsumo nemadimikira namukanya

07 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Tsumo nemadimikira namukanya

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Chakafukidza dzimba matenga.

Pane zvimwe zvinhu zvinoitika mukati medzimba zvisingafe zvakazivikanwa kana kuziviswa vamwe vanhu.

Zvekuita:

Pedzisa tsumo inoreva zvakafanana neyapihwa. Chinoziva ivhu kuti . . .

Mhinduro:

mwana wembeva anorwara

* * *

Svondo rino:

Chaitemura chava kuseva.

Tsumo iyi inoreva kushanduka kwezvinhu.

Munhu aive asina chekudya sadza nacho – achiita rekutemura risina usavi – ndiye agarika zvekuve nezvaakanga asina.

Zvekuita:

Pedzisa tsumo inoreva zvakafanana neiyi: Aive madziva . . .

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey