Kwayedza
Mhinduro yesvondo rapera:
Chakafukidza dzimba matenga.
Pane zvimwe zvinhu zvinoitika mukati medzimba zvisingafe zvakazivikanwa kana kuziviswa vamwe vanhu.
Zvekuita:
Pedzisa tsumo inoreva zvakafanana neyapihwa. Chinoziva ivhu kuti . . .
Mhinduro:
mwana wembeva anorwara
* * *
Svondo rino:
Chaitemura chava kuseva.
Tsumo iyi inoreva kushanduka kwezvinhu.
Munhu aive asina chekudya sadza nacho – achiita rekutemura risina usavi – ndiye agarika zvekuve nezvaakanga asina.
Zvekuita:
Pedzisa tsumo inoreva zvakafanana neiyi: Aive madziva . . .
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007